Enda pane zvauri kuda

Basa rekuvaka nzvimbo inosvikira vaenzi paBheteri riri muPatterson

10 FEBRUARY 2022
UNITED STATES

Basa Rekuvaka Uye Kugadziridza Riri Kuitwa paBheteri Riri muPatterson kuNew York Riri Kufamba

Basa Rekuvaka Uye Kugadziridza Riri Kuitwa paBheteri Riri muPatterson kuNew York Riri Kufamba

Basa rekuvaka nzvimbo inosvikira vaenzi paWatchtower Educational Center of Jehovah’s Witnesses iri kuPatterson, muNew York, kuU.S.A. riri kutarisirwa kuti richapera pakati pegore ra2023. Chivakwa ichi chine nhurikidzwa mbiri uye chichange chiine mamiziyamu 4. Zuva rega rega, vanhu vanosvika 1 200 vanenge vachikwanisa kuuya kuzoona zviri muchivakwa ichi. Uyewo, zvimwe zvivakwa zviri panzvimbo iyi zviri kugadziridzwa uye zvinhu zvava nenguva zviripo zviri kuchinjwa. Basa rese raitwa pari zvino rava kuda kutosvika pahafu pezvese zviri kufanira kuitwa.

Hama dziri kuona nezvebasa riri kuitwa dzakambosangana nematambudziko aikonzerwa nechirwere COVID-19. Basa rakanga rava kuda kumiswa nekuti zvakanga zvakaoma kuwana zvinhu zvekuvakisa panguva yeCOVID. Semuenzaniso, simende yekuvakisa yakanga isiri kuwanika, asi hama dzakakwanisa kuwana yaidiwa kuti vapedzise kuisa floor. Izvi zvakaita kuti vakwanise kubata purogiramu yavaiva nayo. Uyewo, kunyange zvazvo mutengo wemasimbi wakakwira, hama dzakakwanisa kutenga masimbi aidiwa nemutengo wakaderera nemhaka yekuti vakanga vagara vatotaura nevanhu vacho kare.

Vanhu pavakanga vasiri kubvumidzwa kufamba-famba paBheteri, vazvipiri vaishanda vari mudzimba dzavo uye izvi zvakabatsira kuti basa rekuronga uye kudhirowa rienderere mberi. Basa rakamboda kudzokera kumashure nekuti takamboita kanguva tisingakwanisi kuonana nevanoona nezvemabasa ekuvaka munzvimbo iyoyo nemhaka yemitemo yaivapo panguva yeCOVID. Asi, vachibatsirwa nevanobatsira basa repaBheteri vari kumba uye vachishandisa videoconferencing, komiti yekuvaka yakakwanisa kuwana mapepa anovapa mvumo yekuvaka panguva yavaitarisira kuawana.

Mirayiridzo yekuzvidzivirira paCOVID yakazochinja uye kwekanguva zvakanga zvisingaiti kuti vanhu vauye kuzobatsira pabasa rekuvaka. Izvi zvakatoita kuti zvinhu zviwedzere kuoma. Asi muna September 2020, takakwanisa kutangazve kukoka vanhu vanouya kuzobatsira vanenge vachigara panzvimbo iri kuvakwa.

Hanzvadzi Jennifer Paul vakakokwa kuzobatsira pabasa rekuvaka panguva yechirwere cheCOVID-19. Vachitaura nezvebasa rekuvaka, vakati: “Ndinofarira kushanda. Asi chandinonyanya kufarira kupfuura basa iri, vanhu vacho. Ndiri kunyatsoona mashandiro anoita sangano raJehovha uye kutungamirira kwaanoita.”

Pari zvino, vanhu 440 ndivo vari kushanda pabasa rekuvaka uye kugadziridza riri kuitwa kuPatterson. Panhamba iyi, vanenge 350 vavo vari kushanda vachitogara panzvimbo yacho iri kuvakwa. Hama nehanzvadzi dzedu dziri kuramba dzichiona Jehovha achitipa zvinodiwa kuti basa iri rifambire mberi.—1 Makoronike 29:16.

 

Hama mbiri dziri kuchera mugero wemvura

Hanzvadzi iri kubatsira pabasa rekugadziridza nekuisa tambo dzemagetsi

Hama iri kushandisa crane kutakura simbi

Pikicha iri kuratidza nzvimbo ichasvikira vaenzi iri kuvakwa uye nechekumashure panewo zvivakwa zvinoshandiswa kuita zvikoro zvesangano

Hama iri kuweredha

Crane iri kushandiswa kusimudza muchina unotonhodza nekudziyisa mumba kuenda pamusoro pechivakwa chine mahofisi

Hanzvadzi dziri kubatsira pabasa rekuvaka dziri kufara

Hama nehanzvadzi dziri kuvaka dziri kushanda usiku panhurikidzwa yechipiri yechivakwa chichasvikira vaenzi