15 MAY 2023
UNITED STATES
“Magungano eZvapupu zvaJehovha a2023 Ane Musoro Unoti ‘Iva Nemwoyo Murefu’! Akatanga
Magungano emunharaunda aiitwa vanhu vakaungana akamiswa muna March 2020 nemhaka yechirwere cheCOVID-19. Gore rino, Magungano Emunharaunda anopfuura 6 000 ane musoro unoti ‘Iva Nemwoyo Murefu’! achaitwa pasi rese mumitauro inopfuura 500. Gungano rekutanga rakapindwa vanhu vakaungana rakaitwa musi wa12 kusvika 14 May 2023.
Vanhu vanopfuura 1 800 vakapinda gungano iroro paImba Yemagungano yeZvapupu zvaJehovha iri muNewburgh, kuNew York muU.S.A. Hanzvadzi Khrystine Torres vakapindawo gungano racho vakatii: “Sachigaro paakataura kuti: ‘Tinokugamuchirai,’ munhu wese akanga aripo akaombera. Munhu wese aifara kuti takanga taungana pamwe zvakare.” Hama Duane Smith, avo vakanga variwo muvateereri vakati: “Vanhu vaifara zvisingaiti. Wainyatsoona kuti hama dzaifara kuva pamwe chete.”
Hanzvadzi Jessica Dolcemascolo, avo vakabhabhatidzwa panguva yeCOVID-19, vakanga vasati vambopinda gungano remunharaunda rinoitwa vanhu vakaungana. Vakatsanangura manzwiro avakaita vachiti: “Kufara kwaiita vanhu uye rudo rwairatidzwa nehama nehanzvadzi, zvaiita kuti ndinzwe sekuti ndiri kuonana neshamwari yangu yepamwoyo yandakanga ndava nenguva ndisati ndaona.” Hanzvadzi Noemi Tinajero vane makore 18, avo vakabhabhatidza gore rino richangotanga, vakati: “Unoona mhuri dzichifara, shamwari dzichifara. . . . Zvinoita sekuti tatova munyika itsva.”
Vakawanda vakafarira musoro wegungano racho. Hama Sam Huh vakati: “Vakawanda vedu tinoomerwa nekuva nemwoyo murefu. Saka gungano iri rakauya panguva chaiyo. Rakatiyeuchidza kuti tinofanira kuratidza mwoyo murefu sezvinoita Jehovha.” Hanzvadzi Frenchie Smith vakati: “Gungano rino randibatsira kuona kuti kuva nemwoyo murefu kunokosha sei pane zvese zvandinoita muupenyu hwangu. Zvese zvatadzidza zvinonyatsoshanda.”
Yaiva ropafadzo yakakura chaizvo kune vese vakapinda gungano iri rekutanga rakaitirwa muNewburgh, New York! Isu pamwe chete nemamwe mamiriyoni ari pasi rese, tiri kutarisira kubatsirwa mumwedzi inotevera nemabiko ezvekunamata atakagadzirirwa.—Pisarema 122:1.