Enda pane zvauri kuda

14 DECEMBER 2021
UNITED STATES

Mhepo Ine Simba Yaparadza Zvinhu muUnited States

Mhepo Ine Simba Yaparadza Zvinhu muUnited States

Kubva musi wa10 December 2021, mhepo ine simba chaizvo yakapfuura nechepakati uye kumaodzanyemba kweUnited States. Mhepo iyi yauraya vanhu vakawanda uye yaparadza dzimba nezvinhu zvakawanda munzvimbo yakareba makiromita 402. MuKentucky ndimo mayakanyanya kuparadza.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hapana akafa kana kukuvara

  • Vaparidzi 31 vaitofanira kusiya misha yavo

  • Dzimba 10 dzakakanganiswa nemhepo iyi, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba 3 dzakakanganiswa zvakanyanya

  • Dzimba 9 dzakaparadzwa

Mabasa Ekuyamura

  • Vatariri vematunhu uye vakuru veko vari kunyaradza mhuri dzakawirwa nedambudziko iri

  • Basa rekuyamura riri kuitwa pachitevedzerwa mitemo yekuzvidzivirira paCOVID-19

Tine chokwadi chekuti Jehovha anonzwira tsitsi hama nehanzvadzi dzese dziri kutambura nemhaka yenjodzi idzi dzinongoitika dzega.—Isaya 63:9.