Enda pane zvauri kuda

14 NOVEMBER, 2022
ZAMBIA

Magwaro echiKristu echiGiriki Akabudiswa Mumutauro wechiMbunda

Magwaro echiKristu echiGiriki Akabudiswa Mumutauro wechiMbunda

Hama Cephas Kalinda, vari muDare reBazi rekuZambia vakabudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yemutauro wechiMbunda musi wa5 November 2022. Bhaibheri iri rakabudiswa papurogiramu yakanga yagara yakarekodhwa ichibva yazotepfenyurwa kuvanhu vanopfuura 1 500. Parakangobva kubudiswa, vanhu vakanga vava kutokwanisa kuridhaunirodha. MaBhaibheri akaprindwa achange ava kuwanika muna January 2023.

Mutauro wechiMbunda unonyanya kutaurwa muAngola nemuZambia. Mumakore ekuma1930, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kuparidzira vanhu vanotaura chiMbunda vemuNorthern Rhodesia (yava kunzi Zambia). Muna 2014, pakaumbwa boka rekushandura mumutauro wechiMbunda. Hofisi yekushandura yemutauro uyu iri kuMongu, nechekumavirazuva kweZambia.

Hofisi yeshanduro yemutauro weSilozi uye wechiMbunda iri kuMongu, muZambia

Kunze kweShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki iyi yakabudiswa, pangori neshanduro imwe chete yeBhaibheri rechiMbunda. Asi shanduro iyi inodhura uye yakaoma kunzwisisa. Saka Zvapupu zvaJehovha zvinotaura chiMbunda zvaishandisa maBhaibheri eShanduro yeNyika Itsva emimwe mitauro.

Achitaura nezveBhaibheri iri richangobva kubudiswa, mumwe mushanduri akati: “Rinoshandisa mutauro unoshandiswa nevanhu mazuva ese, riri nyore kuverenga nekunzwisisa, uye chinonyanya kukosha ndechekuti rinobudisa chokwadi chiri muBhaibheri zvakarurama.”

Mumwe mushanduri akataura nezvekuoma kwazvainge zvakaita kuparidza uchishandisa imwe shanduro iya yeBhaibheri achiti: “Zita rekuti Jehovha haritombowaniki muBhaibheri iroro. Rinoshandisa zita rekuremekedza rekuti ‘Tenzi Wedu Mwari’ parinenge richitaura nezvaJehovha. Izvi zvaiita kuti vanhu vasaziva zita raMwari. Asi Magwaro echiKristu echiGiriki achangobva kubudiswa anoshandisa zita rekuti Jehovha ka237.”

Tine chokwadi chekuti Bhaibheri iri richangobva kubudiswa richabatsira hama nehanzvadzi dzedu dzinotaura chiMbunda kuti dziwedzere kuswedera pedyo naJehovha uye dzisimbise kutenda kwadzo maari.—Jakobho 4:8.