18 NOVEMBER 2022
ZIMBABWE
Dare Repamusoro remuZimbabwe Rakapa Mutongo Unotsigira Zvapupu zvaJehovha
Musi wa29 September 2022, Dare Repamusoro reZimbabwe riri kwaMutare rakapa mutongo unotsigira hama Tobias Gabaza, Wonder Muposheri, nahama Jabulani Sithole, avo vakabatwa zvisina kunaka nekuti vakaramba kubatanidzwa pamutambo wechivanhu unopesana nezvavanotenda.
Muna October 2020, hama idzi nhatu dzakamiswa pamberi pedare ramambo wemudunhu ravo pashure pekunge mumwe mukuru wemunharaunda yavanogara ati vanofanira kubatanidzwawo pamutambo uyu. Mutambo uyu unosanganisira kukumbira vadzimu kuti vanayise mvura uye munhu wese wemunharaunda anofanira kubatanidzwawo. Hama dzedu dzakaramba kubatanidzwa nekuti zvinopesana nehana dzavo dzakadzidziswa neBhaibheri.
Mambo wemudunhu racho akati hama dzedu dzine mhosva uye akavatyisidzira achifunga kuti zvaizoita kuti vabvume kubatanidzwa pamutambo wacho. Hama dzedu dzakasarudza kukwidza nyaya yacho kudare reMagistrate Court riri kuChipinge.
Musi wa5 January 2021, dare racho rakapa mutongo waitsigira hama dzedu. Asi vakuru vemunharaunda yacho havana kuda kuteerera mutongo wakapiwa nedare uye vakaramba vachimanikidza hama dzedu. Uyewo, vamwe vagari vemunharaunda iyi vakatanga kuvasarura uye kuvabata zvisina kunaka.
Sezvo hama dzedu dzakaramba dzichibatwa zvisina kunaka, dzakakwidza nyaya yacho kuDare Repamusoro. Dare rakati vakuru vemunharaunda vakatyora kodzero dzehama dzedu. Rakatiwo hama dzedu hadzifaniri kumanikidzwa kuti dziite mitambo yechivanhu inopesana nezvadzinotenda rakabva rati vakuru ava vabhadhare hama dzedu.
Tinotarisira kuti mutongo uye uchabatsira hama nehanzvadzi dzedu dziri muZimbabwe, sezvo mitambo iyi ichiitwa munzvimbo dzakawanda dziri munyika yacho. Tinotenda Jehovha nemutongo uyu unotibatsira.—Zvirevo 2:8.