20 APRIL 2022
ZIMBABWE
Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Yakabudiswa Mumutauro weChitonga (Zimbabwe)
Musi wa10 April 2022, hama John Hunguka, vari muDare Rebazi remuZimbabwe vakabudisa Bhaibheri repafoni reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weChitonga (Zimbabwe). Vanhu vanenge 500 vakateerera purogiramu yacho yakanga yagara yakarekodhwa. MaBhaibheri akaprindwa achange ava kuwanika muna July 2022.
Mutauro weChitonga unonyanya kutaurwa nevanhu vechiTonga vanogara munzvimbo dziri nechekumaodzanyemba kweZambia uye kuchamhembe kweZimbabwe. Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakabudiswa mumutauro weChitonga muna 2014. Mutauro uyu wakada kufanana neChitonga (Zimbabwe). Aka ndiko kekutanga kuti Bhaibheri rishandurwe mumutauro weChitonga (Zimbabwe). Bhaibheri iri risati rashandurwa, vanhu vanotaura Chitonga (Zimbabwe) vaitofanira kushandisa shanduro dzeBhaibheri dzeChitonga chekuZambia.
Kunyange zvazvo Chitonga chekuZambia nechekuZimbabwe zvakada kufanana, mamwe mashoko emitauro yacho akasiyana chaizvo. Semuenzaniso, pana 1 Johani 3:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yeChitonga chekuZambia inoti muKristu anofanira kunzwira tsitsi hama yake “inenge ichitambura.” Asi muChitonga (Zimbabwe) mashoko iwayo anogona kureva kuti hama yake inenge “ichirwara nepfungwa.” Vashanduri veChitonga (Zimbabwe) vakashandura vhesi iyi nenzira inoita kuti pfungwa iri kurehwa inyatsobuda kuvaverengi vavo.
Mumwe wevashanduri vacho akati: “Kare pandaienda kuushumiri, ndaiita nguva yakawanda ndichiedza kutsanangurira vanasaimba zvinorehwa nemashoko ari mumavhesi. Asi iye zvino ndava kungoverenga vhesi ndorega Shoko raMwari richivadzidzisa rega.”
Tinofara zvikuru nehama nehanzvadzi dzedu dzinotaura mutauro weChitonga (Zimbabwe) nekuti vava kukwanisa kushandisa shanduro iyi kuti vabatsire vanhu vane chido chekuwana upenyu kuziva “gwara reupenyu.”—Pisarema 16:11.