JW LIBRARY
Kudhaunirodha Uye Kushandisa maBhaibheri—Windows
JW Library inobatsira chaizvo pakuverenga uye pakudzidza Bhaibheri.
Ita zviri kutaurwa pasi apa kana uchida kudhaunirodha uye kushandisa maBhaibheri:
Dhaunirodha Bhaibheri
Unogona kudhaunirodha maBhaibheri wozomaverenga hako paunenge usiri paindaneti.
Nechekumusoro kwescreen, baya pakanzi Bible kuti uone mabhuku eBhaibheri.
Baya kabhatani kanobudisa mitauro yakawanda kuti uone maBhaibheri aripo. MaBhaibheri aunonyanya kushandisa ndiwo anenge ari nechepamusoro. Unogonawo kutsvaga Bhaibheri raunoda uchiita zvekunyora zita racho. Somuenzaniso, unotaipa “int” kuti uwane reKingdom Interlinear muChirungu kana kuti “port” kuti uwane maBhaibheri ose echiPortuguese.
MaBhaibheri aunenge usati wadhaunirodha anenge aine kapikicha kegore. Baya Bhaibheri racho kuti uridhaunirodhe. Kana wangodhaunirodha Bhaibheri racho, kagore kaya kanobva kanyangarika. Baya futi Bhaibheri racho kuti uriverenge.
Kana ukashaya Bhaibheri raunenge uchida, unogona kuzoritsvaga pane imwe nguva. Mamwe maBhaibheri achazoita achiwedzerwa kana ava kuwanika.
Kubvisa Bhaibheri Mufoni Kana Tablet
Ukaona foni yako kana tablet isisina nzvimbo unogona kubvisa Bhaibheri raunenge usisade.
Baya pakanzi Bible, wozobaya bhatani rine mitauro kuti uone maBhaibheri. Baya panenge paine tumadot paBhaibheri raunoda kubvisa, wobva wabaya Delete.
Kuwana Zvinenge Zvagadziridzwa paBhaibheri
Pano neapo, rimwe Bhaibheri raunaro rinogona kugadziridzwa.
Bhaibheri racho rakagadziridzwa rinenge riine tumaarrow. Paunoribaya, panobva pabuda mashoko anokuratidza kuti pane zvakagadziridzwa. Baya pakanzi Download kuti uwane rakagadziridzwa, kana kuti pakanzi Later kana uchida kuti Bhaibheri rako rirambe rakadaro.
Izvi zvakatanga kushanda muna March 2015 paJW Library 1.4, iyo inoshanda paWindows 8.1 zvichikwira. Kana foni yako kana tablet isiri kubudisa izvi, ita zviri munyaya yakanzi “Tanga Kushandisa JW Library—Windows,” pamusoro wakanzi Wana Zvitsva Zvinenge Zvabuda.