Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW.ORG WEBSITE

Kushandisa JW.ORG Pafoni Kana paTablet

Kushandisa JW.ORG Pafoni Kana paTablet

Zvese zvinobuda pakombiyuta paunenge uchishandisa jw.org ndizvowo zvinobuda paunenge uchishandisa foni kana tablet. Asi mabudiro acho akati siyanei kuitira kuti jw.org ishandisike zvakanaka pafoni kana tablet yaunenge uinayo. Mazano ari pasi apa achakubatsira kuti uwane zvaunenge uchitsvaga pajw.org.

 Kutsvaga zvauri kuda uchishandisa foni

Pakombiyuta, zvikamu zvikuru zvemashoko anokubatsira kutsvaga zvauri kuda zvinobuda nechepamusoro pepeji, uye kana ukazvibaya panobva pabuda zvikamu zvidiki nechepazasi.

Asi kana pari pafoni mashoko aya anobuda achidzika. Uye kana usisiri kuashandisa, anobva anyangarika, kuitira kuti usare uchinyatsoona peji racho zvakanaka.

  • Baya Menu kuti uone kana kuti kubvisa zvimwe zvikamu zviripo. Chibaya chikamu chezvauri kuda kuona.

  • Kuti uone zvimwe zviri muchikamu chimwe nechimwe baya arrow yakatarisa pasi. Chibaya zvauri kuda kuona.

  • Baya arrow yakatarisa mudenga uti udzoke papeji yekutanga.

  • Baya pakanzi JW.ORG kuti udzokere kwekutanga.

  • Baya panoratidza mutauro kuti usarudze waunoda.

  • Baya kakaita kunge kagirazi kuti unyore zvauri kuda kutsvaga.

 Kuvhura nyaya nezvitsauko zvemabhuku

Pakombiyuta, misoro yese yenyaya dziri mubhuku racho inenge ichiratidzwa paunenge uchiverenga zviri mubhuku racho. Asi kana uchishandisa foni misoro yacho inonyangarika.

  • Baya kapikicha kakaita seaka kuti uone misoro yenyaya iri mubhuku racho. Chibaya nyaya kana chitsauko chauri kuda.

  • Baya pakanzi Kumashure kuti uone nyaya kana chitsauko chiri kumashure.

  • Baya pakanzi Mberi kuti uone nyaya kana chitsauko chiri kumberi.

  • Baya kapikicha kakaita seaka kuti uvhare misoro yenyaya iri mubhuku woenderera mberi nekuverenga nyaya yako.

 Kuvhura Bhaibheri repaIndaneti

Baya pakanzi RAIBHURARI > BHAIBHERI REPAINDANETI wosarudza Bhaibheri raunoda. Kana enda papeji yekutanga wobaya pakanzi Verengera Bhaibheri paIndaneti.

Enda pakanzi Ratidza, wosarudza bhuku rauri kuda nechitsauko chacho, wobaya pakanzi Chivhura.

  • Baya kapikicha kakaita seaka kuti uone zviri mukati, mashoko ekusuma nemashoko ekuwedzera.

  • Baya kapikicha kakaita seaka kuti uone chitsauko chiri kumashure.

  • Baya kapikicha kakaita seaka kuti uone chitsauko chiri kumberi.

  • Baya kapikicha kakaita seaka kuti zviri mukati, mashoko ekusuma nemashoko ekuwedzera zvisabuda.

 Kuteerera nyaya yakarekodhwa

Kana nyaya yauri kuverenga yakarekodhwa, pachabuda chekuridzisa chakafanana nekapikicha kari pamusoro apa.

  • Baya kabhatani kakaita seaka kuti uteerere nyaya yacho.

  • Baya kabhatani kakaita seaka kuti umbomisa zvauri kuteerera. Baya kabhatani kakaita sekari pamusoro apa zvakare kuti uenderere mberi nekuteerera.

  • Unogona kufambisa kanhu kari kuratidzwa papikicha iyi kuti uteerere pauri kuda.

Paunenge uchiverenga uchidzika nenyaya, chekuiridzisa chacho chicharamba chiri nechepamusoro. Izvi zvinoita kuti zvive nyore kumbomisa kana kuenderera mberi nenyaya yacho usingarasike kuti wanga wava papi.