Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW.ORG

Shandisa Study Bible (Bhaibheri Rekudzidza)

Shandisa Study Bible (Bhaibheri Rekudzidza)

New World Translation of the Holy Scriptures (study edition) ine zvinhu zvinobatsira pakudzidza. Zvimwe zvacho ndeizvi:

  • Mashoko uye vhidhiyo yekusuma bhuku rimwe nerimwe reBhaibheri

  • Pfupiso yebhuku rimwe nerimwe reBhaibheri

  • Mashoko anotsanangura vhesi

  • Mashoko emuzasi anenge aine tsanangudzo

  • Mamarginal references

  • Media (mapikicha nemavhidhiyo)

  • Kutsanangurwa kwemashoko emuBhaibheri

  • Mamepu, machati, nezvimwewo zvekushandisa pakutsvakurudza

  • Mashoko akarekodhwa echitsauko chimwe nechimwe

  • Unoonawo kuti mamwe maBhaibheri anotiwo kudii pavhesi imwe neimwe

Mashoko anotsanangura bhuku raMateu akabudiswa muChirungu muna October 2015. Mamwewo mabhuku achawedzerwa kana basa rekutsvakurudza nezvawo rapera.

Shandisa mashoko ari pasi apa kuti ujairane nezviri muStudy Bible:

 Zvaungaita Kuti Uwane Bhuku Kana Chitsauko chemuBhaibheri

Enda pakanzi PUBLICATIONS > BIBLE wobaya kavha kana kuti link yeNew World Translation of the Holy Scriptures (study edition)

Mabhuku eBhaibheri anenge avapo anenge akaiswa ruvara rweblue. Uchakwanisa kuona tsanangudzo dzemashoko (glossary), maappendix, uye mifananidzo nemavhidhiyo.

  • Bhatani iri rinoita kuti mabhuku eBhaibheri arongwe achienda kurudyi. Ndomabudiro anoita mabhuku kana pasina chawachinja.

  • Baya bhatani iri kuti mabhuku eBhaibheri arongwe achidzika, echiHebheru achibuda ari kuruboshwe uye echiGiriki achibuda ari kurudyi.

Baya bhuku reBhaibheri. Panobva pabuda peji rinenge riine nhamba dzezvitsauko, pfupiso yebhuku racho, uye pane zvimwe zviviri zvinenge zviripo:

  • Mashoko uye vhidhiyo yekusuma bhuku racho raunenge wakavhura.

  • Pfupiso yebhuku reBhaibheri raunenge wakavhura. Bhaibheri iri rakasiyana neShanduro Yenyika Itsva yatiinayo iyo inenge iine pfupiso yechitsauko chimwe nechimwe. Papfupiso yebhuku rimwe nerimwe remuStudy Bible, panenge paine pfungwa huru dzinenge dzakabata bhuku racho.

Sarudza chitsauko chaunenge uchida kudzidza.

Nechepamusoro panenge paine mabhatani maviri, rimwe rakanyorwa bhuku rawakavhura, uye rimwe rinenge riine nhamba yechitsauko. Unogona kushandisa mabhatani aya kana uchida kuvhura chimwe chitsauko chiri mune rimwe bhuku reBhaibheri, kana kuti uchida kuona pfupiso kana tsanangudzo dzemashoko emune rimwe bhuku reBhaibheri.

 Kutsvakurudza Nezvechitsauko chemuBhaibheri

Mashoko echitsauko chacho anenge ari kuruboshwe, uye mashoko ezvakatsvakurudzwa anenge ari kurudyi (study pane). Ziva kuti pafoni kana tablet diki, Study pane inobuda chete paunenge wabaya nhamba yevhesi, mashoko emuzasi, kana vara remuarufabheti rinokuendesa pamareference.)

Mashoko anotevera achaita kuti uwane zvinhu zvinokubatsira pakudzidza:

  • Baya nhamba yechitsauko kana yevhesi kuti uwane mamwe mashoko anotsanangura vhesi iyoyo kana kuti chitsauko.

  • Baya chiratidzo chemashoko emuzasi kuti uaone.

  • Baya vara remuarufabheti, uye Study pane inobva yavhurika, wobva wakwanisa kuona mashoko ari kutaurwa mureference yacho.

  • Kuti unzwe kuverengwa kwemashoko echitsauko chawakavhura uchida kutangira pane imwe vhesi yaunoda, baya mashoko evhesi yacho, wobva wazobaya kabhatani kanenge kabuda.

  • Kuti unzwe kuverengwa kwechitsauko kubva pachinotangira, baya bhatani rePlay rinenge riri pamusoro pepeji.

  • Kana uri kuverengawo imwe nyaya isiri muBhaibheri, asi uchida kunzwa vhesi yaunenge wavhura, baya play kuti unzwe kuverengwa kwemashoko evhesi iyoyo chete.

  • Baya Pause kana uchida kumbomira.

  • Baya bhatani iri kuti ukwanise kuona zvese zvakatsvakurudzwa, zvakadai semanotsi, mashoko emuzasi, mareference, uye mapikicha nemavhidhiyo echitsauko chaunenge wakavhura. (Bhatani iri rinobuda pese paunenge wangovhura chitsauko.)

  • Baya bhatani iri kuti ukwanise kuona kuti vhesi imwe chete yakashandurwa sei mune mamwe maBhaibheri.

  • Baya bhatani iri kuti ukwanise kuona mareference ese echitsauko chaunenge wakavhura.

  • Kuti ukwanise kuvhura Study pane pafoni kana tablet diki, baya kabhatani aka.

  • Kuti umbobvisa Study pane pafoni kana tablet diki, baya kabhatani aka.

Bhatani Rinobudisa Zvakatsvakurudzwa

Bhatani iri rinotanga nekubudisa pfupiso yechitsauko chaunenge wakavhura.

Kana wadaro, vhesi imwe neimwe yechitsauko chaunenge wakavhura inenge iine zvinotevera:

  • Zvakatsvakurudzwa: Mashoko anotsanangura vhesi yacho.

  • Media: Mapikicha kana mavhidhiyo ane chekuita nevhesi iyoyo. Baya pikicha kana kuti tsanangudzo inenge iri papikicha yacho kuti ukwanise kuvhura Media Gallery wodzidza zvimwe.

  • Mashoko Emuzasi: Panenge paine tsanangudzo yemashoko evhesi.

  • Mamarginal reference: Aya anenge ari pashoko kana kuti mashoko emuvhesi. Baya bhatani rakadai (+) kuti uone mashoko ereference uye mashoko emagwaro anenge ari mureference yacho. Baya bhatani rakadai (-) kuti usaone mashoko ari mureference pamwe chete nemashoko emagwaro anenge ari mureference yacho.

Pamashoko aunenge uchiverenga muBhaibheri, baya nhamba yevhesi, chiratidzo chemashoko emuzasi, kana kuti vara remuarufabheti rinokuendesa pamareference kuti ukwanise kuverenga zvinenge zviripo uye zvese izvozvo zvinobudira muStudy pane.

Bhatani Rinobudisa Mamwe maBhaibheri

Bhatani iri rinobudisa zvinotaura mamwe maBhaibheri pavhesi yaunenge wakavhura. Baya nhamba yevhesi muStudy Bible kuti uone kuti mamwe maBhaibheri anoti kudii pavhesi iyoyo.

Bhatani Rinobudisa maMarginal Reference

Bhatani iri rinobudisa maMarginal Reference ese echitsauko chaunenge wakavhura, uye anenge ari muzvikamu zvitatu:

  1. Parallel Account: Apa panenge paine ndima dzemuBhaibheri dzinotaura nezvenyaya imwe chete asi iri mune chimwe chitsauko kana kuti mune rimwe bhuku reBhaibheri.

  2. Quotation: Mamwe mavhesi anenge akatorwa mune mamwe mabhuku eBhaibheri.

  3. General: Aya anenge ari mamarginal reference anenge asiri maparallel accounts kana maquotation. Anenge aine mashoko akadai seimwewo nyaya inenge ichitaura nezvemunhu mumwe chete kana kuti nzvimbo imwe chete, kuzadziswa kweuprofita, kana kuti dzimwe ndima dzakada kuti fananei nezvinenge zvichitaurwa pavhesi yaunenge waverenga.

Nguva dzese bhatani rakadai (+) rinoita kuti uone mamarginal reference ese anenge ari pavhesi uye mashoko evhesi inenge iri mureference yacho anobva avhurika, asi bhatani iri (-) rinoita kuti mashoko emagwaro anenge ari mureference asabude.

Baya kabhokisi kanenge kakanzi Highlight All kanenge kari pamberi pemashoko akanzi parallel account kuti ukwanise kuona mamarginal reference echitsauko chacho chese. Izvi zvinogona kubatsira chaizvo, sepaya paunenge uchida kuona kuti ndepapi pakatorwa mashoko nemunyori weMagwaro echiKristu echiGiriki kubva muMagwaro echiHebheru.

 Ona Mapikicha Uye Mavhidhiyo Ebhuku reBhaibheri

Media Gallery inenge iine mapikicha uye mavhidhiyo ebhuku rimwe nerimwe reBhaibheri. Mapikicha nemavhidhiyo acho akarongwa maererano nepanenge paine mareference awo mubhuku rimwe nerimwe reBhaibheri.

Unogona kuenda pane Media Gallery uchishandisa nzira dziri pasi apa:

  • Unogona kubaya pikicha inenge iri kuStudy pane.

  • PaTable of Contents kana kuti nechekumusoro panenge pakanyorwa zita rebhuku reBhaibheri raunenge wakavhura. Ukapabaya, unobva waona panenge pakanzi Media. Baya pikicha kana kuti link inenge iine zita reBhaibheri.

Media Gallery ine zvikamu zvitatu:

  1. Pikicha kana kuti vhidhiyo. Baya arrow inenge iri kuruboshwe kana kuti kurudyi kuti uone mifananidzo iri kumashure kana kuti mberi.

  2. Panenge painewo tsanangudzo yepikicha yacho uye magwaro anenge aine mareference anenge achitsanangura pikicha iyoyo.

    Pamafoni kana matablet madiki, baya kabhatani aka kuti tsanangudzo yepikicha ibude iri pamusoro.

  3. Nechepasi panenge paine tumapikicha tudiki twekuti ukabaya, pikicha yacho inobva yabuda. Baya arrow inenge iri kuruboshwe kana kuti kurudyi kuti ukwanise kuona tumwe tumapikicha. Baya tumapikicha kana tumavhidhiyo tunenge twuri pasi kuti unyatsoona mapikicha acho kana kuti mavhidhiyo.

Kana wangobaya pikicha, unogona kushandisa mabhatani aya kuti uikudze kana kuiita diki, kana kuti unokwanisa kushandisa minwe yako kana uchishandisa foni kana tablet ine touch screen.

Kana uchida kuona vhidhiyo, unogona kushandisa mabhatani ekuti utange kuiona (play), imbomira (pause), kana kuti unogona kubaya bhatani rekuti vhidhiyo yacho izadze screen.

 Shandisa Pfupiso Dzemabhuku eBhaibheri, Tsanangudzo Dzemashoko Kana maAppendix

Pane nzira mbiri dzekuvhura nyaya dzinenge dziri pamareference:

  • Baya link yereference inenge iri muStudy pane.

  • Unogona kutsvaga nyaya idzi paTable of Contents kana kuti unogona kubaya panenge pakanyorwa zita reBhaibheri, pane mareference aunenge uchida.

Mamwe maappendix anokupa mukana wekuti usarudze kuti unoda kuti zvibude sezvazvinenge zviri muBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rakaprindwa kana kuti kuona mashoko acho aine malink anokwanisa kuvhurika paunoabaya.

  • Unogona kubaya nyaya yacho kuti ibude sezvayakaita chaizvo mubhuku rakaprindwa. Baya pikicha yacho kuti ukwanise kuivhura sezvairi mubhuku rakaprindwa. Unogona kukudza kana kuderedza pikicha yacho uchishandisa bhatani reZoom In kana Zoom Out, kana kuti unogona kushandisa minwe yako kana uine foni kana tablet ine touch screen.

  • Unogona kuitawo kuti nyaya yacho ibude mashoko ari pawo oga uye mifananidzo ichibudawo iri payo. Izvi zvinoita kuti ukwanise kubaya malink eMagwaro kana kuti mamwe mareference kuti uone zvaanenge achitaura.