Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW.ORG WEBSITE

Zviri paJW.ORG

Zviri paJW.ORG

Chikamu chakanzi RAIBHURARI chine mabhuku akasiyana-siyana, zvekuteerera uye mavhidhiyo. Ita zviri kutaurwa pasi apa kana paine zvauri kutsvaga.

 Shandisa pakanzi Tsvaga

Shandisa pakanzi Tsvaga kuti uwane bhuku kana vhidhiyo yauri kuda.

Nyora mashoko ari mubhuku kana vhidhiyo yauri kuda mukabhokisi kakanzi Tsvaga, wobaya Enter kana kuti baya kabhatani kane pikicha iri padivi apa. Kana uine mashoko akati wandei aunoziva ari mubhuku kana vhidhiyo yacho, manyore ese. Izvi zvinogona kukubatsira kuti ukurumidze kuwana zvauri kuda.

Kana pakabuda zvinhu zvakawandisa, unogona kuita zvinotevera:

  • Sarudza kuti uri kuda mabhuku, mavhidhiyo, kana kuti Bhaibheri nechepazasi pekabhokisi kawanyorera mashoko ekutsvaga. Semuenzaniso, kana uri kuda vhidhiyo, baya pakanzi Mavhidhiyo.

  • Baya pakanzi Ona Zvese pachikamu chauri kuda kuti uone zvese zviripo.

Zvinhu zviri paRAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower zvisiri pajw.org zvinobudawo papeji yakanzi Tsvaga

 Nyora zita rebhuku kana vhidhiyo yauri kuda

Kana uchiziva zita rebhuku kana vhidhiyo kana kuti mamwe mashoko ari pazita racho, tevedzera zviri kutaurwa pasi apa kuti ukurumidze kuriwana.

Baya pakanzi RAIBHURARI > MABHUKU UYE MABHUROCHA.

  • Baya pakanzi Zvese wonyora rimwe remashoko ari pazita rebhuku rauri kutsvaga. Semuenzaniso, kana uri kutsvaga bhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei? nyora kuti “Bhaibheri.” Paunotanga kunyora, pachatanga kubuda mazita emabhuku ane shoko rekuti “Bhaibheri.” Chisarudza bhuku rauri kutsvaga.

  • Baya pakanzi Tsvaga.

 Tsvaga magazini yauri kuda

Baya pakanzi RAIBHURARI > MAGAZINI.

Peji yacho painotanga kubuda, inoratidza magazini 4 achangobuda eMukai! ne4 eNharireyomurindi (yeveruzhinji) uye magazini 8 achangobuda eNharireyomurindi yekudzidza. Kuti uwane magazini yauri kutsvaga, tevedzera zviri kutaurwa pasi apa:

  • Enda pakanzi Ese wosarudza magazini yauri kuda, wozobaya pakanzi Zvitsva, wosarudza kuti ndeyegore ripi.

  • Baya pakanzi Tsvaga.

 Ona mafaira akasiyana-siyana aunogona kudhaunirodha

Mabhuku kana mavhidhiyo anogona kubuda akarongwa nenzira mbiri. Imwe yacho, anenge achienda kurudyi, uye imwe yacho achidzika.

Baya kapikicha kakaita seaka kuti uone achienda kurudyi. Aya ndomarongerwo anogara akaitwa mabhuku acho.

Baya kapikicha kakaita seaka kuti mabhuku arongwe achidzika.

Bhuku rimwe nerimwe rinenge richiratidza kavha yaro, nemafaira akasiyana-siyana aunogona kudhaunirodha.

Baya bhuku racho kana uchida kuriverengera paIndaneti.

Baya kapikicha kakaita seaka kuti uone mafaira akasiyana-siyana aunogona kudhaunirodha.

Mamwe mabhuku unokwanisa kuadhaunirodha ari muPDF kana JWPUB. Uyewo, mamwe mabhuku anowanikwa ari emaBhii makuru.

Sarudza faira raunoda uye kuti uri kuda riri remabhii makuru here.

Baya kapikicha kakaita seaka kuti udhaunirodhe bhuku rekuteerera. Sarudza nyaya yauri kuda kudhaunirodha.

Baya kapikicha kakaita seaka kuti udhaunirodhe vhidhiyo. Sarudza vhidhiyo yauri kuda kudhaunirodha.