Nei veZvapupu zvaJehovha Vasingapinduri Zvese Zvese Zvavanopomerwa?
Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera zvinotaurwa neBhaibheri parinoti hatifaniri kupindura zvese zvese zvinotaurwa nevanhu. Semuenzaniso, imwe vhesi inoti, “Munhu anoruramisa museki anozviunzira ruzvidzo.” (Zvirevo 9:7, 8; 26:4) Panzvimbo pekuitisana nharo nevanhu vanotaura zvinhu zvisiri zvechokwadi, chatinonyanya kukoshesa kufadza Mwari.—Pisarema 119:69.
Asi panewo “nguva yokunyarara nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:7) Tinopindura zvinobvunzwa nevanhu vanoda kuziva chokwadi, asi hatiitisani nharo nevanhu vanenge vachingotsvaga zvekupikisa. Saka tinotevedzera zvakaitwa naJesu nevamwe vaKristu vepakutanga.
Jesu haana kupindura paaipomerwa zvenhema pamberi paPirato. (Mateu 27:11-14; 1 Petro 2:21-23) Haanawo kupindura paakanzi aiva chidhakwa uye aikara. Mabasa ake ndiwo aingotaura ega kuti aiva munhu akaita sei, uye izvi zvinoenderana nemashoko ake ekuti: “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mateu 11:19) Asi paaiona zvakakodzera, Jesu aipindura vanhu vaimushora asingapotereri.—Mateu 15:1-3; Mako 3:22-30.
Jesu akaudza vateveri vake kuti vasaodzwa mwoyo nemashoko enhema avanopomerwa. Akati, “Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose nokuda kwangu.” (Mateu 5:11, 12) Asi akataurawo kuti kana pakamuka mukana wekuparidza, aizozadzisa mashoko aakavimbisa ekuti, ‘Ndichakupai mashoko nouchenjeri, husingazokwanisi kudziviswa kana kupokanidzwa nevashori venyu vose vari pamwe chete.’—Ruka 21:12-15.
Muapostora Pauro akaudza vaKristu kuti vasaita nharo nevanhu vanenge vachingoda zvekupikisa, achiti izvozvo “hazvina zvazvinobatsira uye hazvina maturo.”—Tito 3:9; VaRoma 16:17, 18.
Muapostora Petro akakurudzira vaKristu kuti vadzivirire kutenda kwavo pese panomuka mukana. (1 Petro 3:15) Asi akatiwo mabasa edu ndiwo anonyanya kuonekwa nevanhu kupfuura zvatinotaura. Akanyora kuti: ‘Nokuita zvakanaka munonyaradza kutaura kwokusaziva kwemapenzi.’—1 Petro 2:12-15.