Zvapupu zvaJehovha vaKristu Here?
Hongu. Tiri vaKristu nemhaka yezvikonzero zvinotevera:
Tinoedza kunyatsotevedzera dzidziso uye mararamiro aJesu Kristu.—1 Petro 2:21.
Tinotenda kuti Jesu ndiye achaita kuti tipone, “nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.”—Mabasa 4:12.
Vanhu pavanova Zvapupu zvaJehovha, vanobhabhatidzwa muzita raJesu.—Mateu 28:18, 19.
Tinonyengetera nomuzita raJesu Kristu.—Johani 15:16.
Tinotenda kuti Jesu ndiye Musoro, kana kuti uya akagadzwa kuti ave nesimba pamunhu wose.—1 VaKorinde 11:3.
Asi pane zvimwe zvinhu zvatakasiyana nezvimwe zvitendero zvinozviti ndezvechiKristu. Somuenzaniso, tinotenda kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu Mwanakomana waMwari, kwete kuti chikamu chavanamwari vatatu. (Mako 12:29) Hatitendi kuti mweya unoramba uchirarama kana munhu afa, kuti muBhaibheri mune Magwaro anoti Mwari anotambudza vanhu mumoto nokusingaperi, kana kuti vaya vanotungamirira muzvitendero vanofanira kupiwa mazita anovakwidziridza kudarika vamwe.—Muparidzi 9:5; Ezekieri 18:4; Mateu 23:8-10.