Enda pane zvauri kuda

Kuratidzwa Zvinoitwa paBheteri

Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu ayo atinoti Bheteri. Unogona kuona zvinoitwa pane mamwe mahofisi edu usina anokutungamirira.

Kutangazve Kushanyira Bheteri: Munyika dzakawanda, kubva musi wa1 June 2023, vanhu vachange vava kubvumidzwa kushanyira Bheteri. Kuti munzwe zvakawanda, taurai nehofisi yebazi yamuri kuda kushanyira. Musashanya kuBheteri kana makabatwa COVID-19,  muine zviratidzo zvedzihwa kana kuti flu, kana kuti makambova nemunhu akabatwa  COVID-19 munguva pfupi yadarika.

Brazil

Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu

Bhuka

Ona Kana Kuti Chinja Zvawakabhuka

Dhaunirodha Kabhuku Kanoratidza Zvinoitwa paHofisi

Zvimwe Zvamuchaona

Bhaibheri Uye Munyori Waro. Chikamu ichi chinoita kuti vanhu varemekedze Munyori weBhaibheri Jehovha Mwari uye chinotaurawo nezvedingindira reBhaibheri: Umambo hwaMwari. Mucharatidzwawo kuti Bhaibheri rakachengetedzwa sei kusvikira nhasi, uye kuti Jehovha akaita sei kuti mashoko arimo asachinjwa pasinei nezvaiedza kuitwa nevanhu vaipikisa.

Nhoroondo Yedu. Chikamu ichi chinoratidza kuti Jehovha akakomborera sei basa rekuparidza range richiitwa muBrazil kwemakore 120 apfuura. Mucharatidzwawo zvimwe zvakawanikwa zvinoratidza matangiro akaita basa rekuparidzira uye kukura kwarakazoita muBrazil, pasinei nekutambudzwa uye kupikiswa.

Kero Uye Nhamba Dzefoni

Mafambiro