Enda pane zvauri kuda

Kuratidzwa Zvinoitwa paBheteri

Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu ayo atinoti Bheteri. Unogona kuona zvinoitwa pane mamwe mahofisi edu usina anokutungamirira.

Kutangazve Kushanyira Bheteri: Munyika dzakawanda, kubva musi wa1 June 2023, vanhu vachange vava kubvumidzwa kushanyira Bheteri. Kuti munzwe zvakawanda, taurai nehofisi yebazi yamuri kuda kushanyira. Musashanya kuBheteri kana makabatwa COVID-19,  muine zviratidzo zvedzihwa kana kuti flu, kana kuti makambova nemunhu akabatwa  COVID-19 munguva pfupi yadarika.

Hong Kong

Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu

Munofanira kutanga mabhuka musati mauya kuzoshanyira mahofisi here? Ehe. Kuti pasazove nevanhu vakawandisa, tinokukumbirai kuti pamunouya kuzoshanyira mahofisi edu, mutange mabhuka pasinei nekuti muri kushanya makawanda sei. Bhukai pachiine vhiki. Kana muchida kuuya pazororo enyika, munofanira kutobhuka pachiine mavhiki akawanda.

Kana musina kubhuka, zvinoita here kuti muzoratidzwa mahofisi edu? Kana musina kubhuka, tinogona kuzotadza kukuratidzai mahofisi. Nzvimbo iripo haitibvumiri kuti tive nevashanyi vakawandisa pazuva rimwe chete.

Munofanira kusvika nguvai? Kuti vanhu vasazowandisa panguva imwe chete, tinokukumbirai kuti musakurumidzisa kusvika, asi munogona kuuya henyu pasara maminitsi 10 kuti nguva dzamakabhuka dzikwane.

Munobhuka sei? Bayai pakanzi “Make a Reservation.”

Munogona kukanzura zvamakabhuka here? Ehe. Bayai pakanzi “View or Change Reservations.”

Ko kana musi wamuri kuda kubhuka wakazara? Garai muchitarisa website ino. Vamwe vanogona kukanzura kana kuchinja musi wavakabhuka.

Make a Reservation

Kuratidzwa zvinoitwa pamahofisi edu

1 Hung To Road, Floor 22

Kwun Tong

KOWLOON

HONG KONG

+852 3950-3500

(Munongofamba maminitsi 5 kubva pachiteshi chezvitima chinonzi Ngau Tau Kok. Munobuda nepagedhi rakanzi B6.)

Mafambiro

Muchidimbu

Tinoona nezvebasa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha muHong Kong uye Macao. Tinogadzira mavhidhiyo nezvimwe zvekuteerera mumutauro wechiChinese Cantonese.

Dhaunirodha kabhuku kanoratidza zvinoitwa pahofisi.