Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinobatsira Pakuchenesa Rostov-on-Don

Zvapupu zvaJehovha Zvinobatsira Pakuchenesa Rostov-on-Don

Musi wa20 May 2015, mukuru mukuru weguta rinonzi Rostov-on-Don, riri kumaodzanyemba kweRussia, akapa Zvapupu zvaJehovha tsamba yekuvatenda nekuti “vakaita basa hombe pakuchenesa guta racho mumwaka wechirimo.”

Vanhu vemuguta reRostov-on-Don pavaichenesa nharaunda yavanogara, Zvapupu zvaJehovha zvaibva muungano 4 zvakabvisa marara ese ainge azara pamhenderekedzo dzenzizi nemunzira dzeguta racho. Mumaawa mashomanana, vakazadza mabhini anenge 300 uye akazotakurwa nemarori kuti anoraswa.

Nei Zvapupu zvaida chaizvo kubatsira vanhu vanogara munharaunda yacho? Mbuya Raisa vane makore 67 vakati: “Ndaizosvika riini ndichingosiya zvakadaro. Ndinoda kuti guta randinogara richene kuti munhu wese agare munzvimbo yakachena. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vakasaziva zvataita, ini ndinongonakidzwa nebasa racho. Uyewo Jehovha Mwari anozviona.” Mumwewo anonzi Aleksander anowedzera kuti: “Hatingogumiri pakuparidzira vamwe chete asi tinoitawo mabasa anovabatsira. Ndinonzwa ndichifara uye ndichigutsikana pandinoitira vavakidzani vangu zvimwe zvinhu.”

Vanhu vaicherechedza, vakayemura kuzvipira kwakaitwa neZvapupu zvaJehovha. Mumwe murume akatoshamisika paakanzwa kuti Zvapupu zvakanga zvazvipira kuita basa racho zvisingabhadharwi. Akabva asarudza kubatana navo pakuita basa racho uye akazoti: “Handina kumbobvira ndafunga kuti ndaizonakidzwa nebasa iri rekuchenesa ndosara ndichinzwa kuti ndashandira zviripo!” Akatiwo: “Vamwe venyu hamutombogari kuno, asi mauya kuzotichenesera guta redu!”

Mumwe mukuru mukuru weguta racho akaona kuti rimwe boka duku reZvapupu rakaunganidza marara akawanda chaizvo. Akabva avatora pikicha vari pedyo nemabhini avakanga vazadza kuti “anoratidza vamwe kuti basa racho rinofanira kuitwa sei.”