Zvapupu zvaJehovha Zvinobatsira Kuchenesa Sango Riri Pedyo neLviv
Musi wa6 May 2017, Zvapupu zvaJehovha zvinenge 130 zvakabatsira kuchenesa rimwe sango rinonzi Bryukhovychi riri pedyo neLviv, kuUkraine. Vanhu vacho vaiva vemazera akasiyana-siyana kubva pa22 kusvika ku80, uye vanogara nekushanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha iri pedyo nesango racho. Mumaawa matatu chete, vakachenesa maeka 120 nekuunganidza marara anorema 600kg.
Mumwe injiniya weLviv Forest Breeding and Drilling Center anonzi Mykhailo Splavinskyi anoti, “Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvakatanga kutsigira kuchenesa uku kunoitwa gore negore uye vakatanga kuzviita kubvira muna 2014.”
Nei Sango Racho Raida Kucheneswa?
VaSplavinskyi vakati, “Pane zvinhu zviviri zvinoita kuti sango racho risvibe. Chekutanga, vanhu vanosiya marara avo imomo. Chechipiri, vanhu vanovaka nevamwewo vanouya vachirasira marara avo imomo.”
Marara idambudziko rakakura musango iri. VaSplavinskyi vanoti, “Zvinotora nguva kuti marara aya aore. Zvinosvibisa mvura uye zvinokanganisawo zvimwe zvakawanda.” Kurasa magirazi kunopedzisira kwakonzera moto magirazi acho paanotoyiwa nezuva. Magirazi nemajekiseni anokonzera njodzi, kunyanya kuvana vadiki. Vanotizve, “Matambudziko aya anopera kana marara akabviswa.”
Kuchenesa sango rakakura maeka 8 100 kwakaoma. Vanoenderera mberi vachiti, “Tine magadhi 5 chete anochengetedza sango racho, saka hatingagoni kurichenesa tiri tega. Kamwe chete pagore tinotokumbira vanhu kuti vatibatsire.”
Kuunganidza Uye Kurasa
Zvapupu zvinoendako zviine magirovhosi, mapurasitiki mahombe ekuzoisira marara uye mahara zvotanga kuunganidza mabhodhoro, matayi emota, magirazi, marata, mapepa, mapurasitiki, uye majekiseni akashanda. Ihor Fedak, mumwe wevanochengetedza sango iri anoti, “nzvimbo inocheneswa neZvapupu zvaJehovha inogara yakachena.”
Zvapupu zvinounganidza marara acho vachiisa magirazi pawo ega, mapepa pawo ega uye mapurasitiki pawo ega, kunyange zvazvo pasina mutemo unoti vaite izvi pakuunganidza. Izvi vanozviitira kuti vazozviendesa kumakambani anonozvigadzirazve kuti zvizoshandiswa. Kubvira muna 2016, Zvapupu ndizvo zvinobhadhara mari yekutakurisa marara avanenge vaunganidza. VaFedak vanoti, “Ndinotenda chaizvo zviri kuitwa neZvapupu zvaJehovha. Vari kutibatsira.”
“Kuita Basa Rekuchenesa Hakundideredzi”
Zvapupu zvinonakidzwa nekuchenesa sango iri gore negore. Vanoda kuti nharaunda yacho igare yakachena. Volker anotaura maonero anoitwa nevakawanda: “Kuita basa rekuchenesa hakundideredzi. Chinhu chakanaka kuita basa rinobatsirawo vamwe uye zvinoita kuti ndinzwe kugutsikana.”
Anzhelika anotiwo: “Handina basa nekuti ndiani akarasa marara acho, asi chinokosha kwandiri ndechekuti ndingaitei kuti pachene.” Vamwe mbuya vanonzi Lois vane makore 78, vakaitawo basa iri. Vanoti: “Panzvimbo pekusvotwa nemarara anenge ari munzira uchifamba, zviri nani kuti uanhonge woarasa.”
“Vanhu vanowanzotiona takachena takasunga matayi, tichiparidza,” anodaro Wieslaw. “Asi tinotoitawo mamwe mabasa anobatsira vanhu akadai sekuchenesa sango iri.”