Enda pane zvauri kuda

Kutora Mapikicha Ekuisa Mumabhuku Edu

Kutora Mapikicha Ekuisa Mumabhuku Edu

Mapikicha anoiswa mumabhuku edu ayo anenge achienderana nenyaya dzinenge dzichitaurwa, anotorwa sei? Kuti tizive matanho anotorwa, ngationei kuti kavha yeAwake! yaSeptember 2015 yakagadzirwa sei uye kuti pikicha iripo yakatorwa sei. a

  • Magadzirirwo emapikicha acho. Pashure pekunge vaverenga nyaya yakanzi “Kuona Mari Neziso Rakanaka,” vanoshanda muDhipatimendi Remifananidzo, iro riri kuWatchtower Educational Center muPatterson, kuNew York, vane mifananidzo yavakagadzira kuti ienderane nezviri munyaya yacho. Vakazoratidza mifananidzo iyi kune veKomiti Yekunyora yeDare Rinotungamirira, avo vakazosarudza zvinofanira kunge zvakaita pikicha yacho.

    Mamwe makavha emagazini yacho, ayo akambotanga aongororwa neKomiti Yekunyora

  • Nzvimbo yacho. Pikicha yakazoshandiswa haina kutorerwa mubhengi chaimo, asi vanotora mapikicha vakashandisa imwe yenzvimbo dzinosvikira vaenzi iri paWatchtower Educational Center zvichiita sekuti mubhengi. b

  • Vanhu vacho. Vanhu vese vari papikicha yacho avo vari Zvapupu zvaJehovha, vakakumbirwa kuti vaite sevari mubhengi. Mashoko ane chekuita nevanhu vacho anochengetwa kuitira kuti vanhu vamwe chete ivavo vasabva vazonyanya kushandiswa mumabhuku edu.

  • Zvekushandisa. Dhipatimendi Remifananidzo rakatsvaka mari yekune imwe nyika kuti zviite sekuti bhengi racho harisi remuUnited States. Vanotora mapikicha vakashandisa zvinhu zvaiita kuti nzvimbo yacho iratidzike semubhengi chaimo. “Tinova nechokwadi chekuti zvinhu zvese zvavapo tisati tatora pikicha,” akadaro Craig uyo anotorawo mapikicha.

  • Hembe uye zvekushandisa pakupoda. Vanhu vakatorwa pikicha vachiita sevari mubhengi vakauya nehembe dzavo. Asi kana mapikicha acho achifanira kuratidza zvakaitika kare kana kuti munhu akapfeka yunifomu yerimwe basa, veDhipatimendi Remifananidzo vanogona kutsvakurudza nezvazvo vogadzira hembe dzinoenderana nezviri kudiwa. Panewo vanoita basa rekupoda vanhu vanenge vachizotorwa mapikicha, kuitira kuti vabude zvinoenderana nenguva uye nenzvimbo zviri kuratidzwa papikicha yacho kana kuti nezviri kuitika. Craig anoti, “Mazuva ano zvakwava nemakamera anotora zvemhando yepamusoro, tinotofanira kuita zvinhu zvese nemazvo. Nekuti kunyange kachikanganiso kadiki chaiko kanogona kuita kuti pikicha yacho isabuda zvakanaka.”

  • Nguva inotorwa mapikicha. Vanotora mapikicha vakava nechokwadi chekuti chiedza chaiva mubhengi racho chairatidza kuti kunze kwainge kwakachena. Pese panotorwa pikicha, vanotora vacho vanofanira kuona kuti chiedza chashandiswa chiri kuratidza zviri kudiwa (zvakadai sekuti kunze kune zuva, mwedzi kana kuti chiedza chemagetsi), uye kuti chiedza chacho chiri kuenderana nechiedza chagara chiri panzvimbo yacho, uye kuti chiri kuenderana nezviri kuratidzwa papikicha yacho. Craig anoti, “Pikicha yakasiyana nevhidhiyo, nekuti pikicha imwe chete inofanira kuratidza zvese zviri kudiwa, saka chiedza chinoshandiswa chinokosha chaizvo.”

  • Kunatsiridza. Vanonatsiridza mapikicha vakaita kuti mari yacho yakashandiswa isaoneka kuti ndeyekunyika ipi, kuitira kuti vanotarisa pikicha yacho vaise pfungwa dzavo pavanhu vari kuratidzwa papikicha, kwete pamari yakabatwa. Kunyange zvazvo mafuremu emadhoo neemahwindo aiva matsvuku, vanonatsiridza mapikicha vakaachinja kuti ave neruvara rwegirini, kuitira kuti aenderane nemamwe mavara ari kuratidzwa papikicha yacho.

Vanotora mapikicha atinoshandisa mumabhuku edu vari kuPatterson, uyewo vamwe vari kumahofisi emapazi eZvapupu ari kwakasiyana-siyana, kwakadai sekuAustralia, Brazil, Canada, Germany, Japan, Korea, Malawi, Mexico, neSouth Africa. Mwedzi mumwe nemumwe, Dhipatimendi Remifananidzo rinowedzera mapikicha matsva anenge 2 500 pane aragara riinawo. Akawanda acho anozobudiswa mumagazini edu eNharireyomurindi neMukai!, uye muna 2015, mwedzi wega wega paibudiswa magazini aya anopfuura mamiriyoni 115. Tinokukoka kuti uuye kuzoona mahofisi edu ari muPatterson, kuNew York, kana kuti ari mune dzimwe nyika, kuti uzive zvakawanda.

Murume ari muushumiri achiratidza mumwe munhu magazini

a Panotanga patorwa mapikicha akawanda, pozosarudzwa kuti ndeipi ingaiswa pakavha yebhuku. Asi mamwe acho anochengetwa kuti azoshandiswa paanenge ava kudiwa.

b Kana mapikicha anenge achida kushandiswa achifanira kutorerwa mumugwagwa, kakawanda kacho Dhipatimendi Remifananidzo rinofanira kutanga rakumbira mvumo kukanzuru, richitaura kuti vanhu vangani vachange varipo, midziyo yakawanda sei ichashandiswa, uye mhando yechiedza chichashandiswa pakutora mapikicha acho.