Enda pane zvauri kuda

Kushambadzira JW.ORG paBook Fair Yakaitwa kuToronto

Kushambadzira JW.ORG paBook Fair Yakaitwa kuToronto

Kubva musi wa13 November kusvika musi wa16 2014, kwakaitwa Toronto International Book Fair uye yakaitirwa paMetro Toronto Convention Centre. Paishambadzirwa mabhuku akaprindwa uye ekuti unogona kuverengera patablet. Pamazuva mana ayakaitwa, vanhu vanopfuura 20 000 vakauya kuzoona mabhuku aishambadzwa.

Zvapupu zvaJehovha zvaivawo nenzvimbo yainyatsooneka munhu ari kure uye yaiva yakanyatsogadzirwa zvakanaka. Vanhu vairatidzwawo kuti jw.org inoshandiswa sei.

Mumwe maneja wepaBook Fair iyi akati: “Website yenyu ndeyechimanje manje. Ndinofunga kuti vamwe vari kushambadzira vanofanira kutevedzera zvamuri kuita.” Vanhu vaishanya panzvimbo yeZvapupu yekushambadzira vakati website iyi ndeyemhando yepamusoro, iri nyore kushandisa, uye inopindura mibvunzo yakakosha muupenyu. Vakabayiwa mwoyo pavakaona kuti ine mazano anobatsira vanhu kuziva zvavangaita pavanosangana nematambudziko muupenyu.

Vanhu vakawanda vaiuya vairatidza kuti vakanga vasati vambonzwa nezvejw.org. Vazhinji vakashanyira nzvimbo iyi vakatora turakiti rinonzi Ndekupi Kwatingawana Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Yeupenyu? kana kuti kadhi rine mashoko ekuti vangawana sei Zvapupu. Vakawanda vakati vaizoenda pawebsite iyi zvakare, uye vamwe vakakumbira kuti vashanyirwe neZvapupu zvaJehovha kumba kwavo.

Musi weChishanu wanga uri wekushambadza mabhuku evana, saka Zvapupu zvairatidza vanhu makatuni epajw.org. Vana vechikoro vakawanda vaiuya nevadzidzisi vavo, vomira vachiona.

Mumwe murume wekuChicago anoshandira kambani inogadzira maBhaibheri akaona Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene uye akafarira chaizvo magadzirirwo ayakaitwa. Murume uyu aida kuzotaura nevanhu vakaprinda Bhaibheri iri, saka akapiwa kadhi rine mashoko ekuti angavawana kupi.

Website iyi ine mitauro inopfura 700 uye vanhu vaisarudza mitauro yavanoda. Mitauro 16 inotevera ndiyo yakasarudzwa inoti: chiAmharic, chiBengali, chiChinese, Chirungu, chiFrench, chiGiriki, chiGujarati, chiHindi, chiKorean, chiPortuguese, chiSpanish, chiSwedish, chiTamil, chiTigrinya, chiUrdu, uye chiVietnamese.

Chimwe Chapupu chaigamuchira vanhu vaishanya panzvimbo yekushambadzira yeZvapupu chakaona kuti kuudza vanhu nezvejw.org, kwakasiyana chaizvo nekuvaratidza kuti inoshanda sei. Chapupu chacho chakati, “Takawana mukana wakanaka chaizvo wekuratidza vanhu website iyi.”