Chikamu 5 Chemapikicha ekuBritain (September 2017-February 2018)
Ona mafambiro akaita basa rekuvaka bazi reZvapupu zvaJehovha kuBritain kubva muna September 2017 kusvika February 2018.
6 September 2017—Residence C
Vavaki vari kugadziridza zvidhinha zvinozoiswa pamidhuri ine masimbi.
20 September 2017—Residence D
Murume ari kushandisa michina yekuona kuti mudhuri wekunze wedzimba unofanira kunge uri papi. Residence F ndiyo iri kuvakwa nechekumashure.
27 September 2017—Residence F
Hama iri kupurasita madziro.
3 October 2017—Nzvimbo iri kuvakwa bazi
Panze peResidence E, kambani yakahayiwa iri kuisa tara mumigwagwa.
10 October 2017—Residence F
Bhiridha ane makore 71 ari kuvaka mudhuri wekunze weResidence F. Kubva pakatangwa kuvakwa nzvimbo iyi, Zvapupu zvinopfuura 100 zvine makore anopfuura 70 zvakabatsira neruzivo uye unyanzvi hwazvo.
16 November 2017—Dzimba dzekugara
Zvinenge zvakaita dzimba dzacho uchitarisa uri kumadokero. Matenga edzimba dzekugara dzese achange akarimwa maruva nezvimwewo. Kana matenga angonamwa kuti asapinda mvura uye magutter anofamba nemvura aiswa, mbeu dzemaruva eko dzinobva dzasimwa pamusoro. Maruva aya anodyarwa anobatsirawo zvimwe zvipuka, anoderedza mari inodiwa kuti mumba mudziye, uye anobatsira kuderedza mvura inoyerera. Nechekumberi kune faundesheni yeResidence A uye yepachavakwa mahofisi.
21 November 2017—Residence F
Hama dziri kuisa madoorframe esimbi. Madoorframe nemadhoo acho ari nyore kuisa nekuti anenge akatopendwa kare nekuiswa mahinji.
28 November 2017—Mahofisi
Kwava kuvira, kambani yakahayiwa iri kuisa faundesheni yepachange paine mahofisi. Nechepakati pemufananidzo, vari kuisa simbi mumakomba akadzika mamita anenge 20 vobva vaisa kongiri. Residence B ndiyo iri nechekumashure.
5 December 2017—Residence E
Hama iri munzvimbo inopakirwa mota ichiisa musirin’i zvinhu zvinobata mapaipi anofambisa mhepo inodziyisa mumba. Sirin’i yacho yakagadzirwa nemabhodhi anoita kuti floor yedzimba dzinenge dziri pamusoro isanyanya kutonhora.
8 December 2017—Residence F
Hama iri kukwesha madziro akapurasitwa ichigadzirira kuti pazoiswa inonzi vinyl iyo yakaita semucheka unonamirwa kumadziro. Muchina uyu wekukweshesa madziro une tumaburi tunokweva guruva.
21 December 2017—Nzvimbo iri kuvakwa bazi
Hama mbiri dziri kugadzira mugwagwa. Vari kushandisa gas kupisa zvinhu zvidiki-diki zvinenge zviri mumaburi ari mumugwagwa wacho. Sora rinokwanisa kuzomera mumaburi aya uye zvichabatsira kuti mvura isajenga.
26 December 2017—Residence F
Hanzvadzi dziri kupenda mukicheni.
28 December 2017—Residence F
Mamwe mascaffold ari kubviswa kuitira kuti pavakwe mavharanda. Mapaipi matsvuku ari nechepakati pepikicha anopinza mhepo inodziya munguva yechando kuti floor, midhuri inenge yapurasitwa neinenge yapendwa zvikurumidze kuoma.
16 January 2018—Residence F
Hama iri kugadzira madziro aiswa vinyl kuitira kuti asare akanyatsotsetseka. Vinyl inonyatsoita nekuti inokwanisa kugezwa nemvura kana madziro acho akasviba. Hanzvadzi dziri kupenda madziro acho nechemuzasi.
27 January 2018—Residence E
Vashandi vari kupiwa mirayiridzo vasati vatanga basa ravo. Hama iri kutungamirira iri kuvaudza zvavanofanira kuita kuti vadzivirire njodzi. Hama nehanzvadzi dzinoshanda kune mamwe madhipatimendi dzinozvipira kushanda ovhataimu dzichichenesa dzimba dziri kuResidence F nenzvimbo dzakapoteredza kuitira kuti vachazogaramo vawane pakachena.
1 February 2018—Residence F
Vashandi vari kupedzisa kuisa mavharanda edzimba dzekuResidence F. Kuti zvive nyore kusiyanisa zvivako, mavharanda acho ane ruvara rwakasiyana-siyana. Uyezve ruvara rwacho runoenderana nemashizha emiti painenge yava kuoma mashizha. Nechekumashure kune Residence E uye vari kubvisa mapepa anga achiita kuti mvura isakanganisa basa riri kuitwa.
3 February 2018—Dzimba dzekugara
Residence-F yakapera kugadzirwa saka murume uyu nemudzimai wake ndiko kwavava kunogara. Kugara panzvimbo iri kuitirwa basa kunobatsira vashandi kuti zvisavadhurira pakuroja uye pakuzokwira mabhazi vachiuya kubasa.
12 February 2018—Residence A
Kambani yakahayiwa iri kuisa kongiri panzvimbo ichazopakwa mota. Basa iri riri kuitwa panguva dzemanheru. Residence B ndiyo iri nechekumashure.
15 February 2018—Residence E
Murume nemudzimai vari kucheka dombo rekuzoisa pamusoro pemacupboard. Muchina wavari kushandisa unokweva guruva riri kubva padombo. Kuchekera matombo aya ipapo kwakanaka nekuti kana akachekerwa kune imwe nzvimbo anogona kuzopwanyika pakutakura.