Enda pane zvauri kuda

Kuitisa Zvidzidzo zveBhaibheri Pafoni Yeveruzhinji

Kuitisa Zvidzidzo zveBhaibheri Pafoni Yeveruzhinji

 Daiane ndemumwe weZvapupu zvaJehovha anogara kuBrazil uye anoshandisa nguva yake yakawanda kubatsira vamwe kuti vazive uye vashandise zvinotaurwa neBhaibheri. Mumwe musi paaiudza vamwe zvinotaurwa neBhaibheri achishandisa foni, akataura neimwe mhuri yechidiki yakafarira zvaaitaura. Mhuri iyi yakaudza Daiane kuti yaizotamira kumaruwa kwaive kusina magetsi, indaneti uyewo Zvapupu zvaJehovha. Saka mhuri yacho yakapa Daiane nhamba dzefoni yeveruzhinji yaishandiswa nevanhu vese munharaunda yacho kuitira kuti izoenderera mberi nekudzidza Bhaibheri. Vese vari vatatu vakawirirana musi uye nguva yekuti Daiane afone.

 Daiane akafona panguva yavakanga vawirirana uye vakatokwanisa kukurukura. Mavhiki maviri akatevera, vakadzidza Bhaibheri vese katatu pafoni.

 Asi mumazuva akazotevera mhuri yacho yakanga isingachadairi foni. Kunyange zvakadaro, Daiane haana kukanda mapfumo pasi. Akaramba achifona katatu pavhiki uye aiudza chero munhu anenge adaira foni zvinotaurwa neBhaibheri. Izvi zvakaita kuti Daiane akwanise kudzidzisa vanhu vakawanda vemunharaunda yacho Bhaibheri.

 Rimwe zuva Daiane nemurume wake pavaidzidzisa mumwe murume wechidiki Bhaibheri pafoni yeveruzhinji, mumwe mufundisi wemunharaunda iyoyo akangonzwa kuti pane zvaitaurwa zvine chekuita neBhaibheri. Akabva aswedera pedyo kuti anyatsonzwa zvaitaurwa. Mufundisi wacho akazokumbira kutaura naDaiane nemurume wake. Akanga anakidzwa chaizvo nezvaanga anzwa zvekuti akanga ava kutodawo kudzidza Bhaibheri!

 Nekufamba kwenguva, Daiane nemurume wake vakanga vava kudzidza Bhaibheri nevanhu 6 vemunharaunda yacho kusanganisira mufundisi uya. Vaidzidza navo vese vachishandisa foni. Vamwe vavo vakatopinda misangano yechiKristu vachishandisa foni iya yeveruzhinji. Mumwe wavo akatogadzira bhenji rekuti vagarire pavanenge vachidzidza.

 Daiane nemurume wake vanotenda Jehovha chaizvo nemukana wavakawana wekuudza vanhu mashoko eUmambo munharaunda iyi. Daiane anoti, “Jehovha anogona kuita kuti vanhu vakasiyana-siyana vanzwe mashoko akanaka kunyange vaya vanogara kwavo vega.”