Enda pane zvauri kuda

Kunyengetera Ndiri Mumuti weMuoku

Kunyengetera Ndiri Mumuti weMuoku

 Rachel, uyo ava kugara kuDominican Republic anoti: “Ndakaberekerwa mumhuri yeZvapupu. Asi ndinorwadziwa kuti baba vangu vakabva vasiya zvekunamata pandaiva nemakore 7 uye vakatanga kupikisa chokwadi zvakasimba. Vaiita kuti zvindiomere kushumira Jehovha. Semuenzaniso, vainditi kana ndikarega kushumira Jehovha vaizonditengera foni, vondiendesa kupaki inonzi Disneyland, kana kuti vaizondipa kadhi rekubhengi kuti nditenge zvandinenge ndichida. Dzimwe nguva vaitoita zvekundirova nezvibhakera vachingoda kuti ndirege kushumira Jehovha. Vaiti kana ndisisachagoni kutaura uye kufamba zvaizoita kuti ndirege kuenda kumisangano. Asi hazvina kushanda. Ndairamba ndichingoenda kumisangano zvakadaro.

 “Baba vangu vaiva nechokwadi chekuti vaindirova amai vasingazvioni. Vaiti vakanga vasingadi kurwadzisa amai ndosaka vakanga vasingadi kuti vazvizive. Mavanga andaiita nekundirova kwavandiita vainyepa vachiti ari kukonzerwa nekudzidzira martial arts yavaindimanikidza.

 “Ndaiva mudiki chaizvo uye ndaitya baba vangu saka ndaisaudza amai zvaiitika. Saka ndaingoudza Jehovha. Ndaiita nguva ndichifamba pakati pemiti yaiva kuseri kweimba yedu muMaryland, kuU.S.A. Kwaiva nemuti wemuoku (oak) wakanaka chaizvo wandaikwira, ndoenda pabazi randainyatsogara zvakanaka ndotaura naJehovha. Ndainyengetera ndichimuudza zvaiva mumwoyo mangu uye kuti ndaizomuitirei kana ndakura, kana akandibatsira kutsungirira kusvika ipapo. Ndaimuudzawo zvandaida kuzoita munyika itsva, mhuri yandaizova nayo, uye rugare nemufaro zvandaizova nazvo ndisina chinondirwadza kana chekutya.

 “Baba vangu pavaiedza kunditadzisa kushumira Jehovha nekunditenga nezvinhu uye kundirova, ndainzwa kuti Jehovha aindinyaradza uye aindisimbisa. Mwari akandibatsira kuti ndirambe ndakavimbika uye ndakasimba.

 “Ndakabhabhatidzwa ndava nemakore 10, uye ndakatanga kupayona ndava nemakore 12. Pakutanga, baba havana kuziva nezvazvo. Pavakazozviziva, vakandirova chibhakera ndikatyoka shaya.

 “Vamwe vakandiudza kuti ndimbomira zvekupayona nekuti ndaiva mudiki, uye vaiona sekuti handisati ndava kunzwisisa kuti chisarudzo ichi chakakura zvakadii. Nekufamba kwaiita nguva ndakatanga kuona vamwe vechidiki vaiva Zvapupu munharaunda yedu vakanga vasingaiti zvakawanda pakushumira Jehovha vachifa pakunamata. Vaigara vari kumapati uye vachifara. Uye zvavaiita zvaiita sezvinonakidza. Dzimwe nguva ndainzwa sendiri kusaririra. Ndaimbopindwa nepfungwa dzekuti, ‘Ndiri kuregererei hangu kungosiya zvekuparidza ndonakidzwa neupenyu sezviri kuitawo vamwe vezera rangu?’ Asi pese pandainzwa saizvozvo, ndaibva ndaudza Jehovha nezvazvo.

 “Pandaiva nemakore 15, ndakafonerwa neimwe kambani ine mukurumbira inoita zvekushambadza hembe. Vakati vaizondipa basa rinobhadhara mari yakawanda ndichishanda navo muMilan, kuItaly. Ndakafara pandakaudzwa kuti ndinogona kuva nemukurumbira, ndichibuda mumagazini uye ndichishambadza hembe dzinodhura dziri mufashoni. Ndakanga ndatova nemakore matatu ndichipayona uye ndakafunga kuti, ‘Basa iri raizondibatsira kuti ndiwane chekurarama nacho uye ndoramba ndichipayona kwenguva yakareba.’ Baba vakanga vabva pamba uye takanga tava kugara tega, saka ndakafungawo kuti mari iyoyo yaizoita kuti ndigone kubatsira amai nezvinhu zvavaizoda.

 “Ndakanyengetera nezvazvo. Ndakataurawo naamai, avo vakanga vava nemakore akawanda vachipayona, uye ndakataurawo nemumwe mukuru muungano. Senguva dzese ndakaenda pamuti wangu uye ndakanyengetera zvakare nezvazvo. Jehovha akapindura minyengetero yangu achishandisa mashoko evhesi yemuBhaibheri yandakapiwa nemukuru uya. Vhesi yacho yaiva Muparidzi 5:4, iyo inoti: ‘Pese paunoita mhiko kuna Mwari, iripe. Ripa zvaunenge wapika.’ Ndakanga ndapika kuti ndichashumira Jehovha kweupenyu hwangu hwese, uye ndaityira kuti basa iri raigona kuzokanganisa ushamwari hwangu naye. Saka basa iri ndakabva ndasiyana naro.

 “Pasinei nezvaiitika ndiri mudiki ndinofara kuti nanhasi ndichiri kushumira Jehovha. Iye zvino ndiri kufara pamwe chete nemurume wangu, Jaser, uye nemwanakomana wedu, Connor, uyo ane makore 9. Murume wangu mukuru muungano, uye Connor muparidzi asina kubhabhatidzwa. Ndava nemakore anenge 27 ndiri mubasa renguva yakazara.

 “Ndinombofunga nezvenguva dzandaitaura naJehovha ndiri mumuti wemuoku kuseri kwemba. Ndaiteterera Jehovha kuti andibatsire, uye akandinzwa. Akandisimbisa, akandinyaradza, uye akanditungamirira. Muupenyu hwangu hwese, Jehovha andiratidza andiratidzazve kuti ndiBaba vakanaka zvikuru. Ndinofara kuti ndakasarudza kumushumira nemwoyo wangu wese. Ichi ndicho chisarudzo chakanakisisa chandakaita.”