Enda pane zvauri kuda

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | JOBHO

Jehovha Akanyaradza Marwadzo Ake

Jehovha Akanyaradza Marwadzo Ake

 Pakupedzisira, varume vaya vakabva vanyarara kuti zii. Pamwe chinhu chega chainzwika kwaiva kuvhuvhuta zvinyoronyoro kwemhepo inodziya yaibva nechekugwenga reArabia. Jobho akanga asisina chekutaura, aneta nekukurukura kwavanga vaita kwenguva refu. Imbofungidzira akatarisa varume vaya vatatu, Erifazi, Bhiridhadhi naZofari. Zvinoita sekuti aiti: ‘Chiizve chimwe chamuri kuda kutaura?’ Asi vaingotsikitsira pasi kana kutarisa kurutivi. Mashoko ekurwadzisa Jobho avakanga vataura vachiti ndeeuchenjeri, asi iwo “asina zvaanobatsira,” akanga ashaya basa. (Jobho 16:3) Jobho akanga atowedzera kushinga kuzvidzivirira kuti akaperera.

 Jobho aiona kuperera kwake kuna Mwari sechinhu chaikosha kupfuura zvese. Akanga arasikirwa nepfuma yake nevana vake 10. Shamwari dzake nevavakidzani vakanga vasingamuremekedzi, uye iye wacho akanga ava kurwara. Ganda rake rakanga rasviba nekurwara, riine makwati, uye razara honye. Kunyange mukanwa make mainhuwa. (Jobho 7:5; 19:17; 30:30) Mashoko evarume akanga akaita kuti Jobho atsamwe zvisingaiti. Akanga atsunga kuzvidzivirira kuti akanga asiri mutadzi wekupedzisira sezvavaitaura. Mashoko akapedzisira kutaurwa naJobho akaita kuti vashaye chimwe chekutaura. Vakapererwa nemashoko ekurwadzisa nawo Jobho. Asi marwadzo aJobho akanga achiripo. Akanga achiri kuda kubatsirwa zvakanyanya!

 Zvinonzwisisika kuti nei Jobho akanga asiri kuona nyaya yake nenzira kwayo. Aida kupiwa mazano nekururamiswa. Aidawo kuitirwa hanya nekunyaradzwa, zvinova ndizvo zvaifanira kunge zvakaitwa neshamwari dzake nhatu asi dzakazvitadza. Wakamboshaya here kuti ndiani chaizvo angakunyaradzawo nekukupa mazano. Wakamborasiswa here nevanhu vawaifunga kuti ndidzo shamwari dzako? Kuziva kubatsira kwakaita Jehovha mushumiri wake Jobho nezvezvakazoitwa naJobho wacho kunogona kuita kuti uve netariro yakasimba uye unogona kubva waziva zvekuita.

Chipangamazano Akachenjera Uye Ane Mutsa

 Asi nyaya yaJobho inobva yachinja. Paiva nemumwe munhu aiva pedyo, murume wechidiki pazera, ainzi Erihu. Akanga aripo nguva yese iyi, achiteerera zvake vakuru kwaari vachitaura iye akanyarara. Zvaakanzwa hazvina kana kutombomufadza.

 Erihu akatsamwira Jobho. Zvakamurwadza kuona Jobho, murume akarurama, achibvuma kumanikidzwa ‘kuedza kuzviita akarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.’ Asi, Erihu akanzwira Jobho tsitsi. Akanzwisisa marwadzo aiva nemurume uyu, kumira kwake pachokwadi, nemadiro aaiita zano remutsa nekunyaradzwa. Ndosaka Erihu akatsamwira vanyaradzi ava vatatu vekunyepera. Akanga avanzwa vachirwadzisa Jobho nemashoko avo, vachiedza kuparadza kutenda kwake, chiremerera chake, uye kuperera kwake. Zvakanga zvakatoipa kupfuura izvi ndezvekuti vaimonyanisa mashoko avo vachiti Mwari pachake akaipa. Nezvakanga zvataurwa nevarume ava, Erihu akaona kuti aifanira kutaurawo zvaaifunga!—Jobho 32:2-4, 18.

 “Ndiri mudiki,” akadaro, “asi imi varume mava vakuru. Saka ndakamira kutaura ndichikuremekedzai, uye ndakazeza kukuudzai zvandinoziva.” Akanga asisakwanisi kuramba akanyarara. Akaenderera mberi achiti: “Zera rega harisi iro rinoita kuti munhu achenjere, uye vakwegura havasi ivo vega vanonzwisisa zvakarurama.” (Jobho 32:6, 9) Zvadaro, Erihu akataura kwenguva refu uye zvaakataura zvakaratidza kuti aiva neuchenjeri. Maonero ake akanga akasiyana chaizvo neaErifazi, Bhiridhadhi, naZofari. Erihu akaita kuti Jobho azive kuti akanga asiri kuzotaura achimushora kana kuwedzera pamarwadzo ake. Akaremekedza Jobho, uye akataura naye achishandisa zita rake achibvuma kuti akanga abatwa zvisina ruremekedzo. a Neruremekedzo, akati: “Iye zvino Jobho, inzwa mashoko angu.”—Jobho 33:1, 7; 34:7.

Erihu akadudza zita raJobho paaitaura naye uye akamubata nemutsa neruremekedzo

 Erihu akatsiura Jobho pachena achiti: “Wakataura ndichinzwa [uchiti], . . . ‘Ndakachena, handina chitadzo; Ndakachena, handina chivi. Asi Mwari anondiwanira mhosva.’” Erihu akabva anyatsonanga paiva nenyaya yacho, achibvunza kuti: “Une chokwadi here kuti wakarurama zvekuti ungati, ‘Ndakarurama kupfuura Mwari’?” Erihu haana kusiya Jobho achingofunga izvozvo. Akati kwaari, “zvauri kutaura hazvisirizvo.” (Jobho 33:8-12; 35:2) Erihu aiziva kuti Jobho akanga akagumbuka zvisingaiti nekurasikirwa nezvinhu zvake pamwe nekubatwa zvisina kunaka neshamwari dzake dzekunyepera. Asi Erihu akayambira Jobho: “Asi ngwarira kuti hasha dzisazoita kuti uite zvinhu zveutsinye.”—Jobho 36:18.

Erihu Anobudisa Pachena Tsitsi dzaJehovha

 Zvinokosha zvakataurwa naErihu ndezvekuti Jehovha Mwari agara akarurama. Nemashoko mashomanana akatsanangura chokwadi chinokosha chekuti: “Hazviiti zvachose kuti Mwari wechokwadi aite zvakaipa, uye kuti Wemasimbaose atadze! . . . Wemasimbaose haatsaudziri pakutonga.” (Jobho 34:10, 12) Semuenzaniso wekutonga kwaJehovha kune tsitsi, Erihu akayeuchidza Jobho kuti Jehovha haana kungoerekana arangira Jobho mashoko ake ekusaremekedza aakataura asina kunyatsofunga. (Jobho 35:13-15) Uye pane kunyepera kuita seanoziva zvese, nekuzvininipisa Erihu akabvuma kuti: “Mwari akakwirira kupfuura zvatingaziva.”—Jobho 36:26.

 Kunyange zvazvo akapa zano zvakananga, Erihu akaramba aine mutsa. Akaudza Jobho kuti atarisire chimwe chinhu chinoshamisa chaizoitika, kuporeswa naJehovha rimwe zuva. Mwari aizotaura mashoko aya kumushumiri wake akavimbika: “Nyama yake ngaive itsva kupfuura paaiva mudiki, ngaadzokere kumazuva esimba reudiki hwake.” Chimwe chinoratidza kuti Erihu aiva nemutsa ndechekuti haana kungoramba achitaura iye chete, asi nemutsa akakumbira Jobho kumbotaurawo. “Taura,” akadaro, “nekuti ndiri kuda kubudisa pachena kuti hauna mhosva.” (Jobho 33:25, 32) Asi Jobho haana chaakapindura. Pamwe akashaya kuti ozvidzivirira papi, nekuti zano racho rakanga riine mutsa uye richikurudzira. Zvimwe Jobho akabudisa misodzi paakaona kuti Erihu aiva nehanya naye.

 Tinogona kuwana zvidzidzo zvinokosha kuvarume vaviri ava vakatendeka. Kuna Erihu tinodzidza zvatingaita pakupa vamwe mazano uye kuvanyaradza. Shamwari yechokwadi haizoregi kutaura kana pane chakanganiswa kana kuti zviri kuda kuitwa zvichipinza munhu muna taisireva. (Zvirevo 27:6) Ngative shamwari yakadaro, ine mutsa uye inokurudzira kune vanoda kubatsirwa, kunyange pavanotaura vasina kufunga. Uye isuwo patinopiwa mazano, muenzaniso waJobho unogona kutiyeuchidza kuteerera nekuzvininipisa pane kuaramba. Tese zvedu tinoda mazano nekururamiswa. Kuabvuma kunogona kutiponesa.—Zvirevo 4:13.

“Ari Mudutu”

 Paaitaura, Erihu aiwanzotaura nezvemhepo, makore, mabhanan’ana, nemheni. NezvaJehovha akati: “Nyatsoteererai kutinhira kwenzwi rake.” Kwangoti perei kanguva kadiki, Erihu akataura ‘nezvedutu rinovhuvhuta.’ (Jobho 37:2, 9) Kunenge kuti paaitaura, dutu rakanga richitouya, richiramba richiswedera. Pakupedzisira, dutu riya raivhuvhuta zvine simba rakasvika. Chinhu chinoshamisa chaizvo chakabva chaitika. Jehovha akataura!—Jobho 38:1.

Imbofungidzira ropafadzo yekutsanangurirwa zvinhu zvakasikwa neMusiki wezvese!

 Patinoverenga bhuku raJobho, tinofara patinosvika muzvitsauko izvi zvine mashoko aJehovha kuna Jobho. Mashoko aJehovha aiita seari kufuridza mashoko ese asina musoro, enhema akanga ataurwa naErifazi, Bhiridhadhi, naZofari. Jehovha haana kana kutombotaura nevarume ava kutozosvikira pava paya. Akanga akangonangana naJobho chete; akataura nemushumiri wake waaida asingaiti zvekutenderera, sezvinoita baba vanoruramisa mwanakomana wavo.

 Jehovha ainzwisisa marwadzo aJobho. Uye akanzwira tsitsi murume uyu, sezvaagara achiita kuvana vake vaanoda pavanotambura. (Isaya 63:9; Zekariya 2:8) Asi aizivawo kuti Jobho akanga “achitaura zvaasingazivi,” uye izvi zvaitoita kuti dambudziko racho riwedzere. Saka Jehovha akaruramisa Jobho nekumubvunza mibvunzo yakawanda kuti afunge. “Wakanga uri kupi,” akatanga nekudaro, “pandakamisa nyika? Ndiudze, kana uchifunga kuti unonzwisisa.” Pamavambo ekusikwa kwezvinhu, “nyeredzi dzemangwanani,” mhuri yaMwari yengirozi, dzakashevedzera nemufaro nekuona kunaka kwezvinhu zvakasikwa. (Jobho 38:2, 4, 7) Jobho hapana kana chaaimboziva nezvazvo.

Jehovha akataura ari mudutu, achigadzirisa mafungiro aJobho nerudo

 Jehovha akabva ataura nezvezvinhu zvaakasika. Akaita kunge ari kuratidza Jobho zvishomanana pamusoro pesainzi yava kuzivikanwa mazuvano yezvinhu zvakasikwa, achitaura zvinhu zvine chekuita nenyeredzi, zvinhu zvipenyu, nezvimwewo. Zvakanyanya kurondedzerwa naJehovha, imhuka dzaiwanika munharaunda yaigara Jobho panguva iyoyo dzakadai seshumba, gunguo, mbudzi yemumakomo, dhongi remusango, nzombe yemusango, mhou, bhiza, rukodzi, gondo, Bhehemoti (zvinoratidza sekuti imvuu), kwozoti Revhiatani (rinogona kunge raiva garwe). Imbofungidzira ropafadzo yekutsanangurirwa zvinhu zvakasikwa neMusiki wezvese! b

Kudzidzisa Nezvekuzvininipisa Nerudo

 Nyaya yacho chaiyo yaiva papi? Jobho aifanira kuwedzera kuzvininipisa. Nekunyunyuta pamusoro pezvaaifunga kuti kubatwa zvisina kunaka naJehovha, Jobho aitowedzera kuzvirwadzisa, achizvibvisa pana baba vake vane rudo Jehovha. Saka Jehovha akadzokorora adzokororazve kubvunza Jobho kuti aiva kupi zvinhu zvakanaka kudai pazvakavapo uye kuti Jobho aigona here kupa zvekudya, kuudza zvekuita, kupingudza kana kudzora zvinhu zvakasikwa naJehovha. Kana Jobho aitadza kunzwisisa kuti zvinhu zvacho zvakambogadzirwa nei, sei aifunga kuti aiva nekodzero yekuudza Musiki zvekuita? Ko nzira dzaJehovha nepfungwa dzake zvanga zvisina here kukwirira nekure kupfuura zvaJobho?

Jobho haana kuita nharo naJehovha kana kuzviruramisa

 Zvese zvakataurwa naJehovha zvakaratidza kuti ane rudo rwakadzama. Zvakaita kunge Jehovha aiedza kubatsira Jobho kuti anzwisise, achiti: ‘Mwanangu, kana ini ndichigona kusika nekuchengeta zvinhu zvese izvi, unofunga kuti ndingatadza here kukuchengeta? Chokwadi unofunga kuti ndingakurasa here, ndokutorera vana vako, zvinhu zvichakuraramisa mangwana, ndokurwarisa? Ko handisiri ini ndega here ndinogona kutokudzorera zvinhu zvako ndokuporesa zvakare pamarwadzo ako akakura kudai?’

 Pamibvunzo yese yakabvunzwa naJehovha kuti imubatsire kufunga, Jobho akangopindura kaviri chete. Haana kuita nharo kana kuedza kuzviruramisa. Achizvininipisa, akabvuma kuti aingoziva zvinhu zvishomanana, uye akademba zvinhu zvaakataura asina kunyatsofunga. (Jobho 40:4, 5; 42:1-6) Apa ndipo patinoona muenzaniso wakanaka wekutenda kwaiva naJobho. Pasinei nezvese izvi zvaakatsungirira, akaramba aine kutenda kwakasimba. Akabvuma kururamiswa naJehovha ndokuchinja maonero ake. Izvi zvingaita kuti tizvibvunze mubvunzo wekuti, ‘Ndinozvininipisa zvakakwana zvekuti ndinobvuma kururamiswa uye kupiwa mazano here?’ Tese zvedu tinoda kubatsirwa kwakadaro. Patinobvuma, tinenge tichitevedzera kutenda kwaJobho.

“Hamuna Kutaura Chokwadi Pamusoro Pangu”

 Jehovha akabva atanga kunyaradza marwadzo aJobho. Achitaura naErifazi, uyo anofanira kunge aiva mukuru pavanyaradzi vekunyepedzera vaJobho, Jehovha akati: “Ndakutsamwirai kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nekuti hamuna kutaura chokwadi pamusoro pangu sezvakaita mushumiri wangu Jobho.” (Jobho 42:7) Funga nezvemashoko aya. Jehovha aireva here kuti zvese zvakataurwa nevarume ava zvaiva manyepo kana kuti shoko rese rakataurwa naJobho raiva rechokwadi? Aiwa. c Asi, paiva nemusiyano wakakura pakati paJobho nevapomeri vake. Jobho akanga akaora mwoyo, achichema, arwadziswa nekupomera zvenhema. Saka, zvinonzwisisika kuti apo neapo aigona kutaura asina kufunga. Asi, Erifazi neshamwari dzake mbiri vakanga vasina kuomerwa kudai. Nekuti vakanga vasina kutenda kwakasimba, vakataura mashoko akaipa vachiziva zvavo nekuti vaizvikudza. Vakarwadzisa munhu asina mhosva, uku vachitaura zvakaipa pamusoro paJehovha pachake, vachitomuti ndiMwari ane utsinye, Mwari akaipa!

 Hazvishamisi kuti Jehovha akati varume ava vape chibayiro. Vaifanira kubayira mikono yemombe minomwe nemakondohwe manomwe. Izvi zvaidhura zvekuti, nekuti gare gare mumutemo waMozisi, mombe ndiyo mhuka yaibayirwa nemupristi mukuru kana chivi chake chaizoita kuti rudzi rwese rwunzi rwune mhosva. (Revhitiko 4:3) Ndiyo yaidhura kupfuura mhuka dzese dzainzi dzibairwe nemutemo waMozisi. Jehovha akabva awedzera kuti, aizobvuma chete mupiro wevapomeri vaJobho kana Jobho atotanga avanyengeterera. d (Jobho 42:8) Zvinofanira kunge zvakanyevenutsa mwoyo waJobho zvakanyanya, kunzi akarurama naMwari wake uye kuona Jehovha achiruramisa zvinhu.

“Mushumiri wangu Jobho achakunyengetererai.”—Jobho 42:8

 Jehovha aiva nechivimbo chekuti Jobho aizoita zvaakanga amuti aite, achiregerera varume ava vakanga vamurwadzisa zvakanyanya kudai. Uye Jobho haana kumborasisa Baba vake. (Jobho 42:9) Zvaakaita zvinopfuura nekure chero shoko raaigona kutaura kuti aratidze kuti ainge akaperera kuna Mwari. Izvi zvakaita kuti Jehovha akomborere Jobho zvakanyanya.

“Ane Tsitsi Huru”

  Jehovha akanzwira Jobho ‘tsitsi huru nengoni.’ (Jakobho 5:11) Akazviita sei? Jehovha akaita kuti Jobho ave neutano hwakanaka zvakare. Imbofungidzira kuti Jobho akanzwa sei paakaona kuti chokwadi, nyama yake yakanga yava “itsva kupfuura paaiva mudiki” sekutaura kwakanga kwaita Erihu! Mhuri neshamwari dzake dzakazotanga kumutsigira, vachimunzwira tsitsi nekumupa zvipo. Jehovha akadzorera pfuma yake, yapetwa kaviri. Asi zvakadii nenyaya yainyanya kurwadza Jobho, yekufa kwevana vake? Jobho nemudzimai wake vaisuwa vana vavo asi vakati nyaradzwei pavakava nevamwe vana gumi! Zvakare Jehovha akarebesa upenyu hwaJobho. Jobho akararama mamwe makore 140 zvekuti akaona zvizvarwa zvina zvevazukuru vake. “Pashure peizvi,” tinoverenga kuti, “Jobho akazofa, ararama upenyu hwakareba uye agutsikana.” (Jobho 42:10-17) Uye muParadhiso, Jobho nemudzimai wake vachavazve pamwe chete semhuri, kubatanidza vana vaya 10 vakaurayiwa naSatani.—Johani 5:28, 29.

 Nei Jehovha akapa Jobho mubayiro wakakura kudaro? Bhaibheri rinopindura kuti: “Makanzwa nezvekutsungirira kwaJobho.” (Jakobho 5:11) Jobho akatsungirira matambudziko akaoma zvekuti vazhinji vedu hatigoni kunyange kufungidzira. Shoko rekuti “kutsungirira” rinotiudza kuti Jobho haana kungopona chete pamiedzo iyoyo. Akatsungirira, akaramba aine kutenda, uye achida Jehovha. Pane kugumbuka nekuoma mwoyo, akaramba ari munhu anoda kuregerera vaya vakanga vamurwadzisa vachiziva. Zvakare haana kumborasa tariro yake kana chinhu chaainyanyokoshesa, kuperera kwake.—Jobho 27:5.

 Tese zvedu tinofanira kutsungirira. Tine chokwadi chekuti Satani achaedza kutiodza mwoyo sezvaakaita Jobho. Asi kana tikatsungirira tiine kutenda, tichizvininipisa, tichiregerera vamwe, uye tikatsunga kuramba takaperera, nesuwo tichava neramangwana rakanaka. (VaHebheru 10:36) Kana tikatevedzera kutenda kwaJobho tichaita kuti Satani arwadziwe uye tichaita kuti Jehovha uyo anotida, afare zvikuru!

a Erifazi, Bhiridhadhi, naZofari vakataura mashoko akawanda-wanda kuna Jobho. Akawanda zvekuzadza zvitsauko 9 zvemuBhaibheri, asi nyaya yacho inoratidza kuti hapana kana pavakataura naJobho vachishandisa zita rake.

b Dzimwe nguva, Jehovha anotanga achirondedzera chinhu sezvachiri, obva azotanga kushandisa mashoko ekufananidza anoratidza zvakaita chinhu chacho. (Semuenzaniso, tarisa uone Jobho 41:1, 7, 8, 19-21.) Pese pari paviri, chinangwa chaMwari chaive chimwe chete, chekubatsira Jobho kuti awedzere kuremekedza Musiki wake.

c Gare gare, muapostora Pauro akatotaurawo mamwe mashoko akataurwa naErifazi, achiratidza kuti ndeechokwadi. (Jobho 5:13; 1 VaKorinde 3:19) Zvakataurwa naErifazi chaiva chokwadi, asi akakanganisa paakati mashoko iwayo aireva Jobho.

d Hapana patinoverenga pakanzi Jobho ape chibayiro chakafanana naichocho achiitira mudzimai wake.