Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

1 VaKorinde 10:13—“Mwari Akatendeka”

1 VaKorinde 10:13—“Mwari Akatendeka”

 “Hapana muedzo wakauya pamuri kunze kweyagara ichisangana nevanhu. Asi Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nemuedzo achaitawo nzira yekubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.”—1 VaKorinde 10:13, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi.

Zvinorehwa na1 VaKorinde 10:13

 Vhesi iyi inoratidza unhu huna Mwari hunoita kuti timude. Unhu ihwohwo kutendeka. Vashumiri vaMwari vakavimbika vane chokwadi chekuti anogona kuvabatsira, kunyanya pavanosangana nematambudziko kana kuti miedzo.

 “Hapana muedzo wakauya pamuri kunze kweyagara ichisangana nevanhu.” Vashumiri vaMwari vanogona kuedzwa kuita zvinhu zvisingamufadzi. Kunyange zvazvo miedzo yakadaro yakaoma, haisi chinhu chitsva nekuti variko vakawanda vakatombosangana nayo. Saka vashumiri vaMwari vanogona kuva nechokwadi chekuti naivowo vanogona kuikunda.

 “Mwari akatendeka.” Jehovha a Mwari akavimbika uye tinogona kuvimba naye. Agara achizadzisa zvaakavimbisa zvekuti haazombosiyi vese vanomuda uye vanoramba vakavimbika kwaari vachimuteerera. (Dheuteronomi 7:9; Pisarema 9:10; 37:28) Saka vaya vanomunamata vanogona kuva nechokwadi chekuti achazadzisawo zvimwe zvinhu zviviri zvaakavimbisa zvinotaurwa muvhesi iyi.

 “Haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira.” Mwari anoratidza kuti akavimbika nekusabvumira miedzo kuti inyanye kuoma zvekuti munhu haakwanisi kuitsungirira. Anoziva zvinogonekwa nezvisingagonekwi nemushumiri wake mumwe nemumwe.—Pisarema 94:14.

 “Pamwe chete nemuedzo achaitawo nzira yekubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” Mwari anogona kubvisa muedzo wacho kana kupa vashumiri vake zvavanoda kuti vakwanise kuutsungirira. Semuenzaniso, anogona kutibatsira nekutipa mweya mutsvene, kutinyaradza achishandisa Bhaibheri kana kuti kushandisa vamwe vatinonamata navo kuti vatibatsire.—Johani 14:26; 2 VaKorinde 1:3, 4; VaKorose 4:11.

Mashoko akapoteredza 1 VaKorinde 10:13

 Vhesi iyi iri mutsamba yakanyorwa naPauro kuungano yevaKristu yekuKorinde. Ava kunopedza tsamba yake, akataura zvakaitika kuvaIsraeri achiyambira vaKorinde nezvezvinhu zvavaifanira kungwarira. (1 VaKorinde 10:11) Pauro akataura miedzo yakawanda yakasangana nevaIsraeri, kusanganisira muedzo wekunamata zvidhori uye wekuita upombwe. (1 VaKorinde 10:6-10) Vamwe vaIsraeri vakakundwa nemiedzo iyi. Pauro akashandisa zvakaitika kuvaIsraeri kuyeuchidza vaKristu kuti vasazvivimba vachifunga kuti havambofi vakakundwa nemiedzo. (1 VaKorinde 10:12) Asi akazoenderera mberi nekuvasimbisa nemashoko ari pana 1 VaKorinde 10:13. Vashumiri vaMwari vakavimbika vanokwanisa kukunda chero muedzo wavangasangana nawo.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe zvinotaurwa mubhuku ra1 VaKorinde.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?