KUTSANANGURWA KWEMAVHESI
Isaya 40:31—“Vaya Vanotarisira Kuna Jehovha Vachawanazve Simba”
“Asi vaya vanotarisira kuna Jehovha vachawanazve simba. Vachabhururuka nemapapiro vachienda mudenga semakondo. Vachamhanya vasingaperi simba; vachafamba vasinganeti.”—Isaya 40:31, Bhaibheri—Shanduro Yenyika Itsva.
“Asi avo vane tariro muna Mwari vachavandudza simba ravo. Vachabhururuka nemapapiro samakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.”—Isaya 40:31, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.
Zvinorehwa naIsaya 40:31
Jehovha a Mwari anovimbisa vashumiri vake kuti achavapa simba rekutsungirira matambudziko ese avanosangana navo.
“Vaya vanotarisira kuna Jehovha vachawanazve simba.” Vaya vanotarisira, kana kuti vanovimba kuti Mwari anoda uye anogona kuvabatsira vane chokwadi chekuti achavatsigira. (Zvirevo 3:5, 6) Imwe nzira inoshandiswa naMwari kupa vashumiri vake simba, ndeyekuvapa mweya wake mutsvene.—Ruka 11:13.
“Vachabhururuka nemapapiro vachienda mudenga semakondo.” Muenzaniso uyu wezvinoitwa negondo unongoratidza zvinhu zvinogona kuitwa nemunhu achibatsirwa nemweya mutsvene. Kuti gondo rikwanise kunyatsobhururuka zvakanaka panofanira kunge pane mhepo inodziya inenge ichisimuka. Kana gondo rikawana panenge pane mhepo iyi inodziya, rinovhura mapapiro aro robhururuka richitenderera mhepo iyi richienda mudenga. Gondo rikaramba richiwana mhepo inodziya, rinogona kuramba richibhururuka kwemaawa akawanda risinganeti, kusvika rasvika kwariri kuenda.
“Vachamhanya vasingaperi simba.” Matambudziko eupenyu anogona kutipedza simba uye kutiodza mwoyo, asi simba ratinopiwa naMwari rinotibatsira kutsungirira. Rinotibatsirawo kuti tiite zvakanaka kunyange zvinhu pazvinenge zvakaoma. Muapostora Pauro, uyo akatsungirira matambudziko akawanda, akati: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.
Mashoko akapoteredza Isaya 40:31
Mwari akafemera muprofita Isaya kunyora mashoko aya makore anenge 2 700 apfuura. Mashoko aya anoshanda kuvashumiri vaMwari vese, asi Jehovha anogona kunge akaita kuti mashoko aya anyorwe kuti asimbise vaJudha vaizoendeswa kuBhabhironi kwemakore 70. VaJudha pavakadzoka kunyika yavo vachibva muutapwa, vakanyatsoona mashoko akavimbiswa naMwari achizadzika. (Isaya 40:1-3) Mwari akavapa simba rekufamba rwendo b rwakanga rwakaoma kubva kuBhabhironi kusvika kuJerusarema muna 537 B.C.E.—Isaya 40:29.
a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.
b Nzira yavakashandisa vachibva kuBhabhironi inofanira kunge yakareba makiromita 1 600.