Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Jeremiya 33:3—“Shevedzera Kwandiri, Uye Ini Ndichakupindura”

Jeremiya 33:3—“Shevedzera Kwandiri, Uye Ini Ndichakupindura”

 “Shevedzera kwandiri, uye ini ndichakupindura ndobva ndangokuudza zvinhu zvikuru nezvisingagoni kunzwisiswa zvausati waziva.”—Jeremiya 33:3, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Danai kwandiri, ndichakupindurai, ndichakuratidzai zvinhu zvikuru zvakavanzika, zvamusingazivi.”—Jeremiya 33:3, The Bible in Union SHONA Version.

Zvinorehwa naJeremiya 33:3

 Nemashoko aya, Mwari akakurudzira vanhu kuti vanyengetere kwaari. Kana vaya vanonzwa mashoko aya vakaagamuchira, vonyengetera kuna Mwari, aizoita kuti vazive zvichaitika mune ramangwana.

 “Shevedzera kwandiri, uye ini ndichakupindura.” Mashoko ekuti “shevedzera kwandiri” haangorevi kutaura zita raMwari kana kuti kurishevedza. Asi zvinoreva kunyengetera uchikumbira kubatsirwa uye kutungamirirwa naMwari.—Pisarema 4:1; Jeremiya 29:12.

 Zvinoita sekuti mashoko aya aitaurirwa vaIsraeri. Rudzi irworwo rwainge rwasiya Mwari, uye rwairwiswa neuto revaBhabhironi. (Jeremiya 32:1, 2) Jehovha a akakumbira vaIsraeri kuti vadzoke kwaari kuburikidza nekunyengetera.

 ‘Ini ndichakuudza zvinhu zvikuru nezvisingagoni kunzwisiswa zvausati waziva.’ Zvinhu zvinovimbiswa kuziviswa naMwari ‘hazvigoni kunzwisiswa’ pakuti vanhu havakwanisi kuzviziva vari vega. Mashoko ekuti ‘zvinhu zvisingagoni kunzwisiswa’ anogonawo kunzi “zvinhu zvakavanzika.”

 “Zvinhu zvakavanzika” zvaida kuziviswa naMwari ndezvipi? Zvinhu zvaizoitika mune ramangwana zvakadai sekuparadzwa nekuitwa dongo kweguta reJerusarema uye kuzovakwazve kwaro. (Jeremiya 30:1-3; 33:4, 7, 8) Asi Mwari akataurawo kuti rudzi rwevanamati vake rwaisazotsakatika.—Jeremiya 32:36-38.

Mashoko akapoteredza Jeremiya 33:3

 Muprofita Jeremiya akapiwa mashoko aya naJehovha mugore ra608 B.C.E., Mambo Zedhekiya paaiva mugore rechigumi achitonga. Jeremiya akanga agara ataura kuti Jerusarema raizoparadzwa uye kuti Zedhekiya aizotapwa. Sezvo mambo asina kufara nemashoko aya, akaita kuti Jeremiya aiswe mujeri.—Jeremiya 32:1-5; 33:1; 37:21.

 Ndiwo mamiriro ainge akaita zvinhu Mwari paakaudza Jeremiya mashoko ari pana Jeremiya 33:3. Zvinorwadza kuti Mambo Zedhekiya nevamwe vaIsraeri vakawanda vakaramba vachiita zvakaipa. (Jeremiya 7:26; 25:4) Havana kumbokumbira kuti Mwari avatungamirire. Pashure pegore rimwe chete, Zedhekiya akabviswa pachigaro, Jerusarema rakaparadzwa uye vakawanda vakapona vakaendeswa kuBhabhironi senhapwa.—Jeremiya 39:1-7.

 Mashoko ari pana Jeremiya 33:3 anotiyeuchidza kuti Mwari anokwanisa kupa “ruzivo rwakarurama pamusoro pekuda kwake” uye anokwanisa kuratidza ‘zvinhu zvake zvakadzama’ kune vaya vanonyengetera kwaari uye vanodzidza Shoko rake, Bhaibheri. (VaKorose 1:9; 1 VaKorinde 2:10) Zvinhu izvi zvakadzama zvinosanganisira zvinovimbiswa naMwari kuti achada kuita munguva pfupi iri kuuya.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raJeremiya.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?