KUTSANANGURWA KWEMAVHESI
Mabasa 1:8—“Muchapiwa Simba”
“Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.”—Mabasa 1:8, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.
“Muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu muJerusaremu nomuJudhea yose nomuSamariya, kusvikira kumugumo wenyika.”—Mabasa 1:8, The Bible in Union SHONA Version.
Zvinorehwa naMabasa 1:8
Jesu akavimbisa vateveri vake kuti mweya mutsvene waMwari waizovapa simba rekuparidza kunzvimbo dziri kure dzenyika.
“Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu.” Jesu akadzokorora zvaainge ambovimbisa vadzidzi vake kuti kana adzokera kudenga, vaizowana rubatsiro pachishandiswa mweya mutsvene a waMwari. (Johani 14:16, 26) Papera mazuva 10 Jesu akwira kudenga muri mugore ra33 C.E, vadzidzi vake vakagamuchira mweya mutsvene waainge avavimbisa. (Mabasa 2:1-4) Mweya mutsvene waMwari wakaita kuti vakwanise kutaura mitauro yakasiyana-siyana nekuita zvishamiso uye wakatoita kuti vakwanise kuparidza neushingi vachitaura nezvekutenda kwavo muna Jesu.—Mabasa 3:1-8; 4:33; 6:8-10; 14:3, 8-10.
“Muchava zvapupu zvangu.” Shoko rekuti “chapupu” rinoreva “munhu anopupurira” kana kuti “anotaura zvinhu” zvaanoziva kana kuti zvaakazvionera iye pachake. Sevanhu vakanga varipo vachiona Jesu achirarama, vaapostora vaigona kupa uchapupu vachitaura zvinhu zvakaitika Jesu paaiita ushumiri, kusanganisira kufa kwake uye kumutswa kwaakaitwa. (Mabasa 2:32; 3:15; 5:32; 10:39) Uchapupu hwavaipa husingarambiki hwakaita kuti vakawanda vabvume kuti Jesu ndiye Kristu uye Mesiya akanga akavimbiswa. (Mabasa 2:32-36, 41) Vaya vakatenda zvakataurwa nevaapostora vakavawo vadzidzi vaJesu uye vakatanga kuparidzawo nezveupenyu hwaJesu, rufu rwake, uye kumutswa kwaakaitwa.—Mabasa 17:2, 3; 18:5.
“Kunzvimbo dziri kure dzenyika.” Mashoko aya anogona kunziwo “kumigumo yenyika” kana kuti “kune dzimwe nyika.” Mashoko aJesu anoratidza kuti vateveri vake vaizoenda kure zvakadini vachipupurira nezvake. Vaizoenda kure kupfuura Judhiya neSamariya vachiparidza zvavaitenda. Vaizoparidza munzvimbo yakakura kupfuura yakaparidzwa naJesu. (Mateu 28:19; Johani 14:12) Pasati patombopera makore 30 Jesu ataura mashoko aya, muapostora Pauro akanyora kuti mashoko akanaka nezvaJesu ainge ‘aparidzirwa zvisikwa zvese zviri pasi pedenga,’ kunyange kunzvimbo dziri kure dzakadai seRoma, Patiya uye nyika dziri kuNorth Africa.—VaKorose 1:23; Mabasa 2:5, 9-11.
Mashoko akapoteredza Mabasa 1:8
Bhuku raMabasa rinosimudzira pakasiyirwa Evhangeri yaRuka. (Ruka 24:44-49; Mabasa 1:4, 5) Mudzidzi Ruka ndiye akanyora bhuku iri uye anotanga nyaya yake nekurondedzera kuti Jesu akazviratidza sei kune vateveri vake paakanga amutswa. (Mabasa 1:1-3) Anobva atsanangura kuti ungano yechiKristu yakatanga sei uye kuti yakakura sei kubva muna 33 C.E kusvika munenge muna 61 C.E.—Mabasa 11:26.
Jesu paakazotaura zviri pana Mabasa 1:8, vateveri vake vakanga vabvunza kana Jesu aizotanga kutonga saMambo weUmambo hwaMwari panguva iyoyo yavairarama. (Mabasa 1:6) Jesu akabva avaudza kuti vaisafanira kunyanya kunetseka nezvekuti Umambo hwaizotanga kutonga riini. (Mabasa 1:7) Zvavaifanira kuita kwaiva kuisa pfungwa dzavo pakupa uchapupu pamusoro paJesu “kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mabasa 1:8) Ndizvo zvinoitawo vaKristu mazuva ano. Vanoshingaira kuparidza mashoko akanaka pamusoro peUmambo hwaMwari.—Mateu 24:14.
Ona vhidhiyo iyi kuti uone pfupiso yezviri mubhuku raMabasa.
a Mweya mutsvene waMwari isimba rake raanoshandisa pakuita zvinhu. (Genesisi 1:2) Kuti unzwe zvakawanda verenga nyaya yakanzi, “Chii Chinonzi Mweya Mutsvene?”