Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Ruka 1:37—“Nokuti Hakuna Chinhu Chisingagoni Kuitwa naMwari”

Ruka 1:37—“Nokuti Hakuna Chinhu Chisingagoni Kuitwa naMwari”

 “Nekuti hapana chinoziviswa naMwari chinotadza kuzadziswa.”—Ruka 1:37, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Nokuti hakuna chinhu chisingagoni kuitwa naMwari.”—Ruka 1:37, BHAIBHERI (rine Apokirifa) muNdimi yeUnion Shona.

Zvinorehwa naRuka 1:37

 Mwari Wemasimbaose anogona kuita zvinhu zvinoonekwa nevanhu sezvisingagoneki. Hapana chinogona kumutadzisa kuzadzisa zvaanenge azivisa kana kuvimbisa.

 Shoko rakatanga kushandiswa pakanyorwa Bhaibheri rekuti “kuzivisa” rinogona kureva “shoko” kana kuti “zvinenge zvataurwa.” Pana Ruka 1:37 pari kureva zvinhu zvinenge zvataurwa naMwari. Rinogonawo kureva zvinozoitika pane zvinenge zvaziviswa naJehovha a Mwari. Sezvo zvese zvinotaurwa naMwari zvichiitika, mashoko ari pana Ruka 1:37 anogona kushandurwa achinzi: “Nekuti zvakavimbiswa naMwari zvichatozadziswa” kana kuti “Nekuti Mwari haana chaanotadza kuzadzisa.” Mashoko aya anobudisa pfungwa imwe chete yakafanana neyaiva mumashoko echiGiriki. Pfungwa yacho ndeyekuti hapana chinoziviswa kana kuti chinovimbiswa naMwari chinotadza kuzadziswa nekuti hapana chaanotadza kuita.—Isaya 55:10, 11.

 MuBhaibheri makazara mashoko anoratidza kuti hapana chinotadzisa Mwari kuzadzisa zvaanenge avimbisa. Semuenzaniso, Jehovha akashandisa ngirozi kuudza Abrahamu kuti mudzimai wake aizova nepamuviri kunyange zvazvo ainge achembera. Mwari akataurawo kuti: “Pane chinhu chingaomera Jehovha here?” (Genesisi 18:13, 14) Pashure pekunge afunga nezvezvinhu zvakasikwa naMwari, Jobho akataura kuti: “Iye zvino ndava kuziva kuti munokwanisa kuita zvinhu zvese.” (Jobho 42:2) Uye vateveri vaJesu pavainetseka kuti vaizogona here kuita zvinodiwa naMwari kuti vaponeswe, Jesu akavayeuchidza kuti “zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.”—Mateu 19:25, 26. b

Mashoko akapoteredza Ruka 1:37

 Ngirozi yainzi Gabrieri ndiyo yakataura mashoko ari pana Ruka 1:37 kumhandara yechiJudha yainzi Mariya. Gabrieri akanga achangobva kumuudza kuti aizobereka “Mwanakomana weWekumusorosoro” uye aizofanira “kumutumidza kuti Jesu.” Aizova Mambo weUmambo hwaMwari, uhwo huchatonga nekusingaperi.—Ruka 1:26-33; Zvakazarurwa 11:15.

 Mariya akabvunza kuti izvozvo zvaizoitika sei iye akanga asina kuroorwa uye ‘asiri kurara nemurume.’ (Ruka 1:34, 35) Gabrieri akapindura kuti Mwari aizoshandisa mweya wake mutsvene kana kuti simba rake. Panguva iyoyo, Jesu akanga achiri kudenga. Saka Jehovha akashandisa mweya wake mutsvene kuti atamise upenyu hwaJesu kubva kudenga kuenda mudumbu raMariya. (Johani 1:14; VaFiripi 2:5-7). Kuti Mariya ave nechokwadi chekuti Mwari ane simba rekuzviita, ngirozi yakamuudza kuti hama yake Erizabheti uyo akanga “achembera” akanga achangobvawo kubata pamuviri. Erizabheti nemurume wake Zekariya, vakanga vasina mwana nekuti Erizabheti akanga asingabereki. (Ruka 1:36) Mwanakomana wavo akazotumidzwa kuti Johani Mubhabhatidzi, uye Jehovha akagara atotaura nezvebasa raaizoita.—Ruka 1:10-16; 3:1-6.

 Ngirozi Gabrieri zvimwe yakataura mashoko ari pana Ruka 1:37 ichifunga nezvaMariya naErizabheti. Mashoko iwaya achiri kusimbisa vashumiri vaJehovha mazuva ano kuti acharamba achizadzisa zvaakavimbisa. Zvimwe zvaakavimbisa ndezvekuti achaparadza hurumende dziri panyika odzitsiva nehurumende yakarurama inenge ichitongwa nemwanakomana wake Jesu Kristu kudenga.—Dhanieri 2:44; 7:13, 14.

 Ona vhidhiyo iyi kuti uone pfupiso yezviri mubhuku raRuka.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?