KUTSANANGURWA KWEMAVHESI
VaEfeso 3:20—“[Mwari] Anogona Kuita Zvikuru Zvisingagoni Kuyerwa Kupfuura Zvese Zvatingakumbira Kana Kufunga”
“Uya anogona kuita zvinopfuura nekure kure zvese zvatinokumbira kana zvatingafungidzira, maererano nesimba rake riri kushanda matiri, ngaakudzwe.”—VaEfeso 3:20, 21, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.
“Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu, ngaave nokubwinya.”—VaEfeso 3:20, 21, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.
Zvinorehwa naVaEfeso 3:20
Muapostora Pauro ari kuratidza kuti aiva nechivimbo chekuti Mwari anokwanisa kupindura minyengetero uye kuzadzisa zvinotarisirwa nevanamati vake nenzira dzavasingafungiri. Mhinduro dzake dzinogona kutopfuura nekure zvavanotarisira.
“Uya anogona kuita . . ., maererano nesimba rake riri kushanda matiri.” Vhesi 21 inoratidza kuti ari kunzi “uya,” ndiJehovha Mwari. a Muvhesi iyoyo, Pauro anonyora kuti: “Ngaakudzwe pachishandiswa ungano uye pachishandiswa Kristu Jesu.” (Johani 20:31) Uyewo, Mwari anogona kutipa simba ratinoda kuti tiite kuda kwake.—VaFiripi 4:13.
Muvhesi 20, muapostora Pauro anotaura chimwe chinhu chinokosha nezvekukwanisa kunoita Jehovha kubatsira vanamati vake. Richitaura nezvemashoko akashandurwa kuti “uya anogona kuita,” rimwe duramanzwi rinoti: “Vhesi iyi haisi kungoreva kuti Mwari anokwanisa kuita chimwe chinhu asi iri kurevawo kuti ane simba rekuita zvinhu.” Kusiyana nevanhu avo vanogona kunge vaine chido chekubatsira asi vasingakwanisi, Jehovha anokwanisa kuita chero chinenge chichidiwa kuti abatsire vanamati vake uye kuti apindure minyengetero yavo nguva dzese. Ndiye ega ane simba risingagumi uye haana zvaasingakwanisi kuita.—Isaya 40:26.
“[Mwari] anogona kuita zvinopfuura nekure kure zvese zvatinokumbira kana zvatingafungidzira.” Jehovha anogona kuitira vanamati vake zvakawanda kupfuura zvavangafungidzira. Anogona kuvabatsira nenzira dzinopfuura nekure zvavangaona sekuti kuratidzwa rupo rukurusa.
Mashoko ekuti “zvinopfuura . . . zvese zvatinokumbira kana zvatingafungidzira” anotidzidzisa chimwe chinhu chiri muvhesi iyi. Paakataura kuti “zvinopfuura . . . zvese zvatinokumbira kana zvatingafungidzira,” muapostora Pauro ari kuda kuti vaKristu vese vanzwisise kuti Mwari anogona kuvabatsira nenzira dzavasingafungiri. MuBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi chikamu chekutanga chevhesi 20 chakashandurwa kuti: “Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga.” Dzimwe nguva vaKristu vanganzwa sekuti matambudziko avo akanyanya kukura kana kuti akanyanya kuoma zvekuti haagoni kugadziriswa. Zvichida vanotoshaya kuti vonyengetera nezvei pavanonyengetera. Asi Jehovha anonyatsoziva zvese zviri kuitika kwavari uye anokwanisa kuvabatsira. Panguva yakakodzera, anogona kugadzirisa chero dambudziko uye anogona kuita kudaro nenzira dzatisingafungi kuti dzinokwanisika. (Jobho 42:2; Jeremiya 32:17) Pari zvino, ari kupa vanamati vake simba rekutsungirira, uye rekuita kudaro vachifara!—Jakobho 1:2, 3.
Mashoko akapoteredza VaEfeso 3:20
Bhuku raVaEfeso itsamba yakanyorerwa vaKristu vaigara muguta reEfeso muAsia Minor nemuapostora Pauro. Guta iri chikamu cheyatinoziva seTurkey mazuva ano. Mutsamba yake, Pauro akanyora mashoko aakataura paaivanyengeterera. (VaEfeso 3:14-21) Akanyengeterera kuti vaedze kutevedzera mafungiro uye maitiro aJesu erudo, izvo zvaizoita kuti vasvike pakuziva rudo rwaKristu. Izvi zvinoshandawo kuvaKristu vese. Pauro akagumisa munyengetero wake nekurumbidza Mwari uye kutaura mashoko anowanika pana VaEfeso 3:20, 21.
Ona vhidhiyo iyi kuti uone pfupiso yezviri mubhuku raVaEfeso.
a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”