Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Zvirevo 17:17—“Shamwari Ishamwari Nguva Dzose”

Zvirevo 17:17—“Shamwari Ishamwari Nguva Dzose”

“Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17, Shanduro yeNyika Itsva.

“Shamwari ishamwari nguva dzose.”—Zvirevo 17:17, Bhaibheri Rine Apokirifa.

Zvinorehwa naZvirevo 17:17

 Shamwari dzechokwadi dzakavimbika. Dzinoratidza rudo uye dzinova nechokwadi chekuti dzabatsira panguva yekutambudzika sezvinoitirana vana vemumba mumwe chete.

 “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese.” Mashoko aya anogonawo kurevawo kuti “shamwari dzinoratidzana rudo nguva dzese.” Shoko rechiHebheru rekuti “rudo” rakashandiswa pano rinoreva zvinopfuura kungonzwa uchida kuratidza rudo kune mumwe munhu. Urwu rudo rwechokwadi runoratidzwa nemumwe munhu kushamwari yake nezvaanomuitira. (1 VaKorinde 13:4-7) Shamwari dzine rudo rwakadaro hadzisiyani kunyange kana pakaita chinhu chinogona kukanganisa ushamwari hwadzo, kungava kusanzwisisana kana kuti matambudziko eupenyu. Vanoregereranawo nemwoyo wese kana vakakanganisirana. (Zvirevo 10:12) Uye shamwari haiitiri godo mumwe wayo kana zvinhu zvikamufambira zvakanaka. Asi vanofara pamwe chete.—VaRoma 12:15.

 “Shamwari yechokwadi . . . ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.” Chirevo ichi chinobva pakuti kazhinji vana vemumba mumwe chete vanonyatsowirirana. Saka patinoedza kuita zvese zvatinogona kubatsira shamwari yedu inenge iri panguva yakaoma, tinenge tiri kuita zvaizogona kuitwa nemukoma kana hanzvadzi yake. Uyewo, ushamwari hwevanhu vakadaro hahukanganiswi nematambudziko avanogona kusangana nawo. Asi matambudziko avanosangana nawo anotoita kuti vawedzere kuratidzana rudo uye kuremekedzana.

Mashoko akapoteredza Zvirevo 17:17

 Bhuku raZvirevo rakazara nemashoko akawanda euchenjeri uye pfungwa dzinobatsira dzakanyorwa nemashoko mashoma izvo zvinoita kuti muverengi afunge. Mambo Soromoni ndiye akanyora chikamu chakakura chebhuku iri reBhaibheri. Manyorero aakaita akafanana nemanyorerwo akaitwa nhetembo dzechiHebheru. Aishandisa pfungwa dzinoenderana uye pamwe pacho dzinopikisana, zvekuti mumwe mutsara unovakirwa pane zvataurwa nemumwe kana kuti kuupikisa. Zvirevo 17:17 muenzaniso wenhetembo ine pfungwa dzinoenderana, chikamu chechipiri chinovakirwa pane chekutanga. Zvirevo 18:24 muenzaniso wepfungwa dzinopikisana. “Kune shamwari dzinongogara dzichiitirana zvakaipa, asi kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.”

 Zvichida Soromoni paainyora Zvirevo 17:17, aifunga nezveushamwari hwepedyo hwaiva nababa vake Dhavhidhi naJonatani, mwanakomana waMambo Sauro. (1 Samueri 13:16; 18:1; 19:1-3; 20:30-34, 41, 42; 23:16-18) Kunyange zvazvo Dhavhidhi naJonatani vakanga vasina ukama, vaiva neushamwari hwepedyo hunotopfuura vanhu vemudumbu rimwe chete. Jonatani akatoisa upenyu hwake pangozi achiitira shamwari yake yechidiki. a

Mashandurirwe akaitwa Zvirevo 17:17 mune mamwe maBhaibheri

 “Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa nhamo.”—Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

 “Shamwari ishamwari nguva dzese, ihama yakaberekerwa kutambudzika.”—The Moffatt Translation of the Bible.

 “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.”—The Bible in Union SHONA Version.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raZvirevo.

a Ona nyaya yakanzi “Vaiwirirana Chaizvo.”