Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kudzidzisa Mwana Wenyu Kushingirira

Kudzidzisa Mwana Wenyu Kushingirira

 Mwana wenyu anoti: “Handizvigoni ini! Zvakaoma izvi!” Haachadi kuita chimwe chinhu chaari kuona chichimuomera. Nemiwo hamudi kuona mwana wenyu achinetseka, asiwo munoda kuti adzidze kukunda matambudziko aangasangana nawo. Munofanira kubva makurumidza kumubatsira here? Munofanira kubva mangomusiya achirega here? Kana kuti muchamudzidzisa kushingirira?

Zvamunofanira kuziva

 Kushingirira kwakakosha. Kana vabereki vakadzidzisa mwana wavo kushanda nesimba, mwana iyeye anowanzogona kuchikoro, anova munhu anofara uye ane utano hwakanaka, uyewo achava neushamwari hwakasimba nevamwe. Asi kana mukakurumidza kubva mamubatsira pane kumbomusiya achimboomerwa uye pamwe pacho achitombokundikana, mwana iyeye paachakura anowanzoshungurudzika, achifunga kuti haana zvaanokwanisawo kuita, uye haanakidzwi neupenyu.

 Mwana anogona kuwedzera pakuva munhu anoshingirira. Kunyange vana vadiki chaizvo vanogona kushingirira kuedza kuita zvinhu zvakaoma uye kugadzirisa matambudziko. Pane imwe ongororo yakaitwa, zvakaonekwa kuti vana vava negore nemwedzi mitatu vanogona kushanda nesimba pakuita chinhu chakaoma kana vakatanga vaona munhu mukuru achimbonetseka kuita chimwe chinhu pane kuti abve angochiita asina kana kumbonetseka.

 “Ndinoyeuka ndichidzidzisa vanasikana vangu kusunga tambo dzeshangu dzavo vasati vatombosvitsa makore 5. Kusunga tambo dzeshangu hachisi chinhu chaunobva watogona nezuva rimwe. Pese pavaifanira kusunga tambo dzeshangu dzavo, vaigona kutora maminitsi 10 kusvika 15 vachiedza kuyeuka kuti vanozviita sei. Ndaibva ndazovabatsira. Vakaramba vachiedza kuita izvozvo kwemwedzi yakati kuti, zvekuti pamwe pavaiomerwa vaibva vatanga kuchema, asi vakazopedzisira vava kugona. Ndaigona kunge ndakazvirerutsira nekuvatengera shangu dzisina tambo. Asi pamwe pacho, kunyange sevabereki, tinotofanira kushingirira kuti tikwanise kudzidzisa vana vedu kushingirira.”—Colleen.

 Munogona kuita kuti mwana wenyu asadzidza kushingirira. Vamwe vabereki, vasiri kuzviziva, vanogona kuita kuti mwana wavo asava munhu anoshingirira. Vangadaro sei? Mwana paanoomerwa nechimwe chinhu vamwe vabereki vanobva vakurumidza kumubatsira, vachiitira kuti asazorwadziwa kana atadza kuita chinhu chacho uye kuti arambe achizviona semunhu anogona. Asi izvi hazvina kunaka pane dzimwe nguva. Mumwe munyori anonzi Jessica Lahey akati: “Pese patinokurumidza kubatsira . . . vana vedu kuita basa rakaoma, zvinoita sekuti tiri kuvaudza kuti hativimbi navo pakuita basa iroro.” a Izvi zvinogona kuita kuti vana vazokurumidza kukanda mapfumo pasi pavanenge vachiita mabasa akaoma mune ramangwana, vachifunga kuti vanofanira kubatsirwa nemunhu mukuru.

Pane kuti mubatsire mwana wenyu paanenge achiita basa rakaoma, munogona kumudzidzisa kushingirira

Zvamungaita

 Vakurudzirei kushanda nesimba. Vabereki vanogona kudzidzisa vana vavo kushingirira nekuvapa mabasa epamba anoenderana nezera ravo. Semuenzaniso, vana vane makore 3 kusvika ku5 vanogona kunzi vabatsire pakuronga hembe dzinenge dzichida kuwachwa uye varongedze matoyi avo. Vana vadiki vanogona kunzi vabatsire pakurongedza zvinhu zvinenge zvabva kunotengwa kumashopu, kuisa ndiro dzekudyira patafura uye kuzodzibvisa kana vanhu vapedza kudya, kurasa marara, uye kupukuta kana kukorobha panenge parasikira mvura. Vana vava pazera rekuyaruka vanogona kuita mabasa akati omei, akadai sekuchenesa, kugadziridza zvinhu pamba, uye kugadziridza zvinhu zvinenge zvakanganisika. Vana vangasada kuita mabasa epamba nguva dzese, asi zvinovabatsira kana vakaziva kuti vabereki vavo vari kutotarisira kuti vavabatsirewo mabasa epamba. Izvi zvinobatsira sei vana? Vanodzidza kushanda nesimba, uye izvi zvichavabatsira kuti vasazosiya basa rakaoma pavanenge vava vanhu vakuru.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kushanda zvakaoma kwese kune zvakunobatsira.”—Zvirevo 14:23.

 “Haikona kungopa mwana basa rekuti angonzi ane zvaari kuita. Hakuna anofarira izvozvo, kunyange munhu mukuru chaiye. Vapei chimwe chinhu chekuti vanzwe kuti vari kukubatsirai. Kana mwana wenyu achiri mudiki, mupei basa rekupukuta guruva pamidziyo yaanosvikira. Kana muri kugeza mota, itai kuti mwana wenyu ageze nechemuzasi mamusingakwanisi kusvikira. Chibvai mamutenda pane zvaari kuita.”—Chris.

 Kana basa racho richimuomera muratidzei kuti rinoitwa sei. Dzimwe nguva vana vanokurumidza kukanda mapfumo pasi nemhaka yekuti havazivi kuti basa racho rinoitwa sei. Saka pamunenge muchidzidzisa mwana wenyu humwe unyanzvi, munogona kuita zvinotevera. Tangai nekuita basa racho imimi mwana wenyu achiona. Chiitai basa racho pamwe chete naye. Ngaachiita basa racho imi makatarisa, muchimubatsira. Chibvai maita kuti mwana wenyu aiite basa racho ega.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ndakuratidzai muenzaniso, kuti zvandakuitirai, muitewo saizvozvo.”—Johani 13:15.

 “Sevabereki, takaona kuti kana tichida kuti vana vedu vave vanhu vanokwanisa kushingirira isu pachedu tinofanirawo kunge tiri vanhu vanoshingirira pakuita zvinhu. Zvatinoda kuti vana vedu vaite ndizvo zvatinofanirawo kuita.”—Doug.

 Batsirai mwana wenyu kuti azive kuti vanhu vese vanomboomerwa uye pamwe pacho kutombokundikana chaiko. Muudzei pamakamboomerwa asi mukazoona kubatsira kwazvakaita nekuti hamuna kukanda mapfumo pasi. Tsanangurirai mwana wenyu kuti hazvisi nyore kuita chinhu chausina kujaira uye kuti kumbokanganisa kunogona kutoita kuti adzidze. Muvimbisei kuti kana akakanganisa hazvirevi kuti hamuchanyanyi kumuda. Sezvo mhasuru ichiwedzera kusimba munhu paanoramba achiita chimwe chinhu, ndizvo zvichaitikawo kumwana wenyu paanoramba achishingirira kuita chimwe chinhu, zvichaita kuti asava munhu anokurumidza kukanda mapfumo pasi kana aomerwa. Saka kana mwana wenyu akava nepaanoomerwa, pane kuti mubve makurumidza kumubatsira, muregei arambe achiedza, kunyange kana akagumbuka. Rimwe bhuku rinonzi How Children Succeed rinoti: “Kana uchida kuti mwana akure, musiye achiita chimwe chinhu chaunoziva kuti anogona kuchitadza.”

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.”—Mariro 3:27.

 “Zvinobatsira chaizvo vana kana mukavarega vachimboomerwa kunyange zvazvo vachiziva havo kuti baba namhamha varipo kuti vavabatsire. Nekufamba kwenguva, vachange vava kugona kuita zvinhu uye vanenge vava kuziva kukosha kwekushingirira.”—Jordan.

 Varumbidzei nekushanda nesimba, kwete nekuti vagona. Semuenzaniso pane kumuti, “Wagona chaizvo! Ende wakachenjera,” munogona kuti, “Wagona chaizvo! Ende wakashanda nesimba pakudzidza.” Nemhaka yei zvakakosha kuti muvarumbidze nekushanda nesimba pane kuvarumbidza muchiti vakachenjera? Dr. Carol Dweck vanoti: Kurumbidza mwana uchimuti akangwara “kunoita kuti kana akazosangana nezvinhu zvakamuomera anogona kutanga kuona sekuti haana chaanogona.” Dr. Carol Dweck vanoenderera mberi vachiti: “Chinhu chinokosha icho mubereki angaitira mwana wake, kumudzidzisa kuti asakanda mapfumo pasi kana zvinhu zvaoma, asanyanya kurwadziwa kana akakundikana kuita zvimwe zvinhu, anakidzwe nekushanda nesimba, atsvage nzira dzakasiyana-siyana dzekugadzirisa nadzo dambudziko rinenge ramuka uye arambe achidzidza maitirwo ezvinhu. Izvi zvichaita kuti mwana wenyu asaita zvinhu achiitira kuti azorumbidzwa.” b

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu anoedzwa nekurumbidzwa kwaanoitwa.”—Zvirevo 27:21.

a Mashoko aya atorwa mubhuku rinonzi The Gift of Failure.

b Mashoko aya atorwa mubhuku rinonzi Mindset.