Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | WANANO

Kunwisa Doro Kunokanganisa Imba Yako

Kunwisa Doro Kunokanganisa Imba Yako

 Kana uri muwanano, wawakaroorana naye akambokuudza kuti haasi kufara nemanwiro auri kuita here? Kana akambokuudza, pane zvinhu zvaunofanira kufunga nezvazvo.

Zviri munyaya ino

 Kunwisa doro kunoparadza imba

 Kunwisa doro kunogona kukonzera zvirwere zvakawanda kusanganisira chemwoyo, kutadza kushanda zvakanaka kwechiropa uyewo kenza. Kunwisa hakungokonzeri zvirwere chete, asi kunokonzerawo kurwisana mudzimba, matambudziko panyaya dzemari, kuita gumbo mumba gumbo kunze, kana kutorambana chaiko.

 Bhaibheri rinotaura zvinoitika kana munhu akanwisa doro kana kuti waini. Rinoti, “pakupedzisira inoruma senyoka, uye inobudisa uturu sechiva.” (Zvirevo 23:31) Ungaziva sei kuti hauchagoni kurarama usina kunwa doro?

 Hauchagoni kurarama usina kunwa doro here?

 Mibvunzo inotevera inogona kukubatsira kuti uzive kana wava nedambudziko iri:

  •   Unotadza kuzvidzora paunenge uchinwa here?

  •   Unogara uchingofunga kuti uchanwa riini here?

  •   Unoramba uchinwa here kunyange zvazvo uchiziva kuti doro rinogona kukanganisa upenyu hwako kusanganisira imba yako?

  •   Unotanga kurwara here paunoedza kusiya doro?

  •   Unombonetsana nemumwe wako here nemhaka yemanwiro aunoita?

  •   Wava kunwa doro rakawanda kupfuura rawainwa kare here?

  •   Paunonwa doro, unoita zvekuhwanda here? Unoita zvekubiridzira kurinwa kana kuriviga paunenge uri kumba kana kubasa here?

 Kana paine mubvunzo wawapindura kuti ehe, unogona kunge wava munhu uya asingachakwanisi kurarama asina kunwa doro. Iri rinenge ratova dambudziko rakakura chaizvo.

 Usaramba kuti une dambudziko

 Wawakaroorana naye akambokuudza here kuti haasi kufara nemanwiro ako? Kana akambokuudza, zvimwe wakaona sekuti haisi nyaya kana kuti wakatopa zvikonzero zvekuda kuratidza kuti hapana chakamboipa nezvauri kuita. Unogona kunge wakatopomera vamwe mhosva, kusanganisira wawakaroorana naye uchitaura mashoko akadai sekuti:

  •   “Dai waindibatawo zvakanaka ndingadai ndisinganwi.”

  •   “Dai waiita basa rinorwadza serangu, waizonzwisisa kuti nei ndichinwa.”

  •   “Kune vamwe vanotonwa kundidarika.”

 Kana uchitaura mashoko akaita seiwayo, haungadaro wava kukoshesa doro kupfuura imba yako here? Ndechipi chinofanira kunyanya kukosha?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Murume akaroora anozvidya mwoyo . . . kuti angaita sei kuti afadze mudzimai wake.”—1 VaKorinde 7:33.

Kana mumwe wako aine zvaari kukuudza pamanwiro aunoita doro, usaita sekuti pakati penyu pane madziro ari kukutadzisa kunzwa zviri kutaurwa nemumwe wako, asi ita sekuti pane hwindo riri kukubatsira kuona uye kunzwa zvaari kutaura

 Zvaungaita

  •   Usarerutsa zvaunoudzwa nemumwe wako. Kunyange kana ukaona sekuti mumwe wako ari kunyanyisawo pane zvaari kukuudza, wadiiwo kuchinja? Kana ukasachinja, woramba uchiita zvawanga uchiita pasinei nekuti mumwe wako haasi kufara nazvo, izvozvo zvinogona kunge zvichitoratidza kuti watova nedambudziko panyaya yekunwa doro.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.”—1 VaKorinde 10:24.

  •   Ziva zvakawanda nezvenyaya iyi. Kuti musoja akunde muhondo, anofanira kuziva kuti muvengi wake ari kuedza kumurwisa achishandisa nzira dzipi. Izvi zvakangofananawo nedambudziko rauinaro. Kuti ukunde tsika iyi yekunwisa doro, unofanira kuziva zvinoita kuti uzopedzisira wava kunwisa uye kuti zvinokanganisa sei vamwe. Unofanirawo kuziva zvaungaita kuti ubude mudambudziko iri uye kuti usazopindamo zvekare.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Rambai muchirega zvido zvenyama, izvo zviri kurwisana nemi.’—1 Petro 2:11.

  •   Bvuma kubatsirwa. Pane vezveutano vakawanda vanobatsira vanhu vane dambudziko rekunwisa doro, zvekuti vatori nezvirongwa zvavainazvo, nzvimbo dzavanoshandira, uye zvipatara. Unogonawo kukumbira mumwe munhu waunovimba naye kuti akubatsire kuziva zviri kukonzera kuti utadze kurarama usinganwi doro. Pese paunonzwa kuti wava kudzokera pamaitiro ako ekare, taura nemunhu wacho kuti akubatsire.

    Tsvaga rubatsiro rwavanachiremba

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

 Dambudziko rekunwisa doro hachisi chinhu chidiki chinonzi chinogona kupera nekungoverenga kanyaya kadiki kane mazano anobatsira kana kuti nekungotaura mashoko akadai sekuti, “Ndichati dzorei manwiro angu.” Unofanirawo kuziva kuti zvauchasarudza kuita zvinogona kukanganisa utano hwako uye wanano yako.

 Kana uchida kunzwa zvimwe: Verenga nyaya dzinotevera kuti unzwe zvakaitwawo nevamwe kuti vakunde dambudziko rekunwisa doro.

 Handisisina Utsinye

 Handichazvitarisiri Pasi

 Ndaigara Mumigwagwa

 Onawo vhidhiyo yakanzi ‘Ndakatanga Kufinhwa Nemararamiro Andaiita’