MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA
Zvaungaita Kuti Uve Baba Vakanaka
Basa rababa nderei?
Mwana paanenge asati aberekwa. Mabatiro amuri kuita mudzimai wenyu iye zvino anoratidza kuti muchazova baba vakaita sei. Bhuku rinonzi Do Fathers Matter? rinoti:
“Vanababa vanobatsira madzimai avo ane pamuviri kutenga zvekushandisa, vanoenda navo kwachiremba, uye vanoenda navo kuscan kunoona mwana ari mudumbu kana kunonzwa mwoyo wemwana uchirova, vanowanzobatsirana nemadzimai avo mwana paanozoberekwa.”
“Ndaisada kuti mudzimai wangu anzwe sekuti aiva ega paaiva nepamuviri, saka ndaiita zvese zvandaigona kuti ndimubatsire. Takatobatsirana kugadzira mukamuri raizorara mwana. Kuita izvi pamwe chete takamirira kuuya kwemwana wedu kwaitinakidza chaizvo.”—James.
Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Musangofunga zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.’—VaFiripi 2:4.
Mwana paanenge aberekwa. Kutamba nemwana wenyu uye kumubata mumaoko kunobatsira kuti muve neushamwari hwepedyo. Batsirai mudzimai wenyu kuchengeta mwana wenyu. Zvamunoita sababa zvine zvazvinoita pamakuriro emwana wenyu. Kuva neushamwari nemwana wenyu kunoratidza kuti munomukoshesa.
“Itaiwo zvinoitwa nemwana wenyu. Tambai naye. Itaiwo zvinhu zvinosekesa. Musanyare kuita zvinoitwa nemwana mudiki. Yeukai kuti imi, semubereki ndimi munotanga kuita kuti mwana wenyu azive chinonzi rudo.”—Richard.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vana inhaka inobva kuna Jehovha; vana mubayiro unobva kwaari.”—Pisarema 127:3, mashoko emuzasi.
Mwana paanenge achikura. Tsvakurudzo dzakaitwa dzakaratidza kuti vana vanokura vaine ushamwari hwepedyo nababa vavo vanowanzogona kuchikoro, havanyanyi kushungurudzika, uye havawanzoiti zvemadhiragi kana kupara mhosva. Zvipei nguva yekuti muve neushamwari nemwana wenyu.
“Mwanakomana wangu akandiudza kuti chinhu chaaizonyanya kusuwa paaizobva pamba kwaiva kutaura kwataiita tiri mumota tiri panzendo refu kana kuti panguva yekudya manheru. Takakurukura dzimwe nyaya dzinokosha chaizvo panguva yandaisatombotarisira. Izvi zvakaitika nekuti taiva nenguva yakawanda yekuva pamwe chete.”—Dennis.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rambai makanyatsongwarira kuti musafamba sevanhu vasina kuchenjera asi sevanhu vakachenjera, muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.”—VaEfeso 5:15, 16.
Basa rababa rakasiyana papi neraamai?
Vanhu vakawanda vanotarisira kuti basa rababa nderekupa mhuri yavo zvekurarama nazvo nekuidzivirira, uye raamai nderekuona kuti mhuri yavo iri kufara here. (Dheuteronomi 1:31; Isaya 49:15) Mune dzimwe mhuri, vanaamai vanoitawo mamwe mabasa anowanzoitwa nababa uye vanababa vanoitawo mamwe mabasa anowanzoitwa navanaamai. Asi vanotsvakurudza vanotaura kuti kunyange zvazvo baba naamai vachiita mabasa akasiyana mumhuri, ese anokosha. a
Mumwe mukadzi anoongorora nezvemhuri anonzi Judith Wallerstein anotaura zvakaitika kwaari zvinoratidza kuti vabereki vese vari vaviri vane basa rinokosha ravanoita. Anoti: “Mwanasikana wangu ane makore 12 paakarohwa nemota, aida kuti baba vake ndivo vaende naye muambulance nekuti aiva nechivimbo chekuti vaizomuchengetedza. Paakanga ava kuchipatara, aida kuti ndive naye nguva dzese ndichimunyaradza.” b
“Baba vanogona kuita kuti mhuri inzwe yakachengeteka uye yakagadzikana asi izvi zvinogona kuomera amai kana vari vega. Amai vanoita kuti vana vavo vanzwe kuti vanodiwa uye kuti pane munhu anovanzwisisa nekuti vanonyatsovateerera vachivanzwira tsitsi. Baba naamai vanoshanda pamwe chete.”—Daniel.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwanakomana wangu, teerera kurayira kwababa vako, uye usaramba kudzidzisa kwaamai vako.”—Zvirevo 1:8.
Vanasikana vangadzidzei kuna vanababa vavo?
Sababa, munodzidzisa mwanasikana wenyu kuti anofanira kubatwa sei nevanhurume. Anodzidza izvi munzira mbiri dzinotevera:
Nekuongorora mabatiro amunoita amai vake. Kana muchida mudzimai wenyu uye muchimuremekedza, mwanasikana wenyu anoona kuti unhu hupi hunokosha hwaanofanira kutarisa paachazosarudza murume anomuroora.—1 Petro 3:7.
Nekuongorora mabatiro amunomuita. Kana muchiremekedza mwanasikana wenyu, munenge muchitomudzidzisa kuti azviremekedzewo. Anodzidzawo kuti vamwe varume vanofanira kumuremekedzawo.
Asi kana baba vakagara vachingoshora mwanasikana wavo, zvinogona kuita kuti azvitarisire pasi, otanga kutsvaga kufarirwa nevamwe varume asi varume ivavo vanogona kunge vasina vavariro dzakanaka.
“Mwanasikana anodiwa uye anotsigirwa nababa vake kakawanda kacho haambotorwi mwoyo nemurume asina unhu hunoratidza kuti achava murume akanaka.”—Wayne.