Bhuku raZvakazarurwa—Rinotaura Nezvei?
Mhinduro yeBhaibheri
Bhuku raZvakazarurwa romuBhaibheri, muchiGiriki rinonzi A·po·kaʹly·psis (apocalypse), zvinoreva “Kufudugura” kana kuti “Kuzarura.” Shoko iri rechiGiriki rinobudisa pachena zvinorehwa neshoko rokuti Zvakazarurwa. Rinofudugura zvinhu zvakanga zvakavanzika uye rinobudisa pachena zviitiko zvaizoitika papera makore akawanda pashure pokunge bhuku racho ranyorwa. Uprofita hwakawanda huri mubhuku racho hausati hwazadziswa.
Zvakaita bhuku raZvakazarurwa
Sumo.—Zvakazarurwa 1:1-9.
Mashoko aJesu kuungano nomwe.—Zvakazarurwa 1:10-3:22.
Kuoneswa Mwari agere pachigaro chake choUmambo chokudenga.—Zvakazarurwa 4:1-11.
Kuoneswa zvinhu zvakasiyana-siyana zvinenge zvichiuya zvakatevedzana:
Zvisimbiso zvinomwe.—Zvakazarurwa 5:1-8:6.
Mabhosvo manomwe, uye matatu okupedzisira anotaura nezvenhamo nhatu.—Zvakazarurwa 8:7-14:20.
Ndiro nomwe, imwe neimwe iine matambudziko anomirira mutongo unobva kuna Mwari uchaitwa panyika.—Zvakazarurwa 15:1-16:21.
Kuoneswa kuparadzwa kuchaitwa vavengi vaMwari.—Zvakazarurwa 17:1-20:10.
Kuoneswa makomborero achava kudenga nepanyika achabva kuna Mwari.—Zvakazarurwa 20:11-22:5.
Mhedziso.—Zvakazarurwa 22:6-21.
Zvinhu zvinobatsira kunzwisisa bhuku raZvakazarurwa
Zvinhu zviri mubhuku racho hazvityisi vaya vanoshumira Mwari asi kuti zvinotovakurudzira. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachifunga nezvekuparara kwenyika pavanonzwa shoko rokuti “apocalypse,” bhuku raZvakazarurwa rinotanga uye rinoguma nemashoko okuti vaya vanoriverenga, vonzwisisa uye voshandisa zvavanenge vaverenga vachafara.—Zvakazarurwa 1:3; 22:7.
Bhuku raZvakazarurwa rinotaura zvinhu zvakawanda nemadimikira kana zviratidzo uye zvinhu izvi hazvifaniri kutorwa sezvazviri.—Zvakazarurwa 1:1.
Nechokwokutanga kweBhaibheri tinogara tatoudzwa nezvezviratidzo uye vanhu vanotaurwa nezvavo mubhuku raZvakazarurwa:
Jehovha—“Mwari wechokwadi kumatenga” uye Musiki wezvinhu zvose.—Dheuteronomio 4:39; Pisarema 103:19; Zvakazarurwa 4:11; 15:3.
Jesu Kristu—“Gwayana raMwari.”—Johani 1:29; Zvakazarurwa 5:6; 14:1.
Satani Dhiyabhorosi—muvengi waMwari.—Genesisi 3:14, 15; Johani 8:44; Zvakazarurwa 12:9.
Bhabhironi Guru—kufanana neguta rekare rainzi Bhabhironi (Bhabheri), muvengi waMwari nevanhu vake uye ndimo munobuda nhema dzechitendero.—Genesisi 11:2-9; Isaya 13:1, 11; Zvakazarurwa 17:4-6; 18:4, 20.
“Gungwa”—vanhu vakaipa vanoita zvinopesana nezvinodiwa naMwari.—Isaya 57:20; Zvakazarurwa 13:1; 21:1.
Zvinhu zvakafanana nezvaiva mutebhenekeri yekare zvaishandiswa pakunamata Mwari zvinosanganisira areka yesungano, gungwa rakaita segirazi (bheseni rokugezera), marambi, zvibayiro zverusenzi, uye atari yezvibayiro.—Eksodho 25:10, 17, 18; 40:24-32; Zvakazarurwa 4:5, 6; 5:8; 8:3; 11:19.
Zvikara—zvinomiririra hurumende dzevanhu.—Dhanieri 7:1-8, 17-26; Zvakazarurwa 13:2, 11; 17:3.
Nhamba dzinoshandiswa kumiririra zvimwe zvinhu.—Zvakazarurwa 1:20; 8:13; 13:18; 21:16.
Zvinhu zvakaoneswa Johani zvaizoitika mu“zuva raShe,” iro rakatanga apo Umambo hwaMwari hwakagadzwa muna 1914 uye Jesu paakatanga kutonga saMambo. (Zvakazarurwa 1:10) Saka tinotarisira kuti uprofita hwacho huchanyanya kuzadziswa panguva ino yatiri kurarama.
Kuti tinzwisise zvinhu zviri mubhuku raZvakazarurwa, sekunzwisisa kwataizoita mamwe mabhuku ari muBhaibheri tinoda uchenjeri hunobva kuna Mwari uye rubatsiro rwevamwe vava kutorinzwisisa.—Mabasa 8:26-39; Jakobho 1:5.