Ndivanaani Vane Mazita Ari “Mubhuku Roupenyu”?
Mhinduro yeBhaibheri
“Bhuku roupenyu,” iro rinonziwo “mupumburu woupenyu” kana kuti “bhuku rokuyeuchidza,” rine mazita evanhu vachawana chipo choupenyu husingaperi. (Zvakazarurwa 3:5; 20:12; Maraki 3:16) Mwari anonyora mazita aya zvichienderana nokuvimbika kwavo kwaari.—Johani 3:16; 1 Johani 5:3.
Mwari anoyeuka mumwe nomumwe wevashumiri vake vakatendeka, sokunge kuti ari kunyora mazita avo mubhuku, kunyange vaya vakatanga kurarama “kubvira pakuvambwa kwenyika.” (Zvakazarurwa 17:8) Zvinoratidza sokuti munhu akatanga kunyorwa mubhuku roupenyu aiva Abheri murume akatendeka. (VaHebheru 11:4) Asi uku hakusi kungonyorawo zvako mazita nokuti bhuku roupenyu rinotiratidza kuti Jehovha ndiMwari ane rudo “anoziva vaya vari vake.”—2 Timoti 2:19; 1 Johani 4:8.
Mazita anenge anyorwa “mubhuku roupenyu” anogona kudzimwa here?
Hongu. Mwari akataura nezvevanhu vaisateerera vaiva murudzi rwevaIsaeri vekare kuti: “Munhu wose akanditadzira, ndiye wandichadzima mubhuku rangu.” (Eksodho 32:33) Asi kana tikaramba takatendeka, mazita edu acharamba ari ‘mumupumburu woupenyu.’—Zvakazarurwa 20:12.