Chii Chandinganyengetera Nezvacho?
Mhinduro yeBhaibheri
Unogona kunyengetera uchitaura chero chawada chero bedzi zvichienderana nemitemo yaMwari yakanyorwa muBhaibheri. “Zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano [nezvinodiwa naMwari], iye anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Zvinoita here kuti utaure nhamo dzako? Ehe zvinoita. Bhaibheri rinoti: “Dururai mwoyo yenyu pamberi [paMwari].”—Pisarema 62:8.
Zvinhu zvaungakumbira paunenge uchinyengetera
Kutenda muna Mwari.—Ruka 17:5.
Mudzimu mutsvene, kana kuti simba raMwari, kuti ukubatsire kuita zvakanaka.—Ruka 11:13.
Simba rokuti ukunde matambudziko uye miedzo.—VaFiripi 4:13.
Kuva nerugare mupfungwa kana kuti kugadzikana.—VaFiripi 4:6, 7.
Kuva nouchenjeri hwokuti uite zvisarudzo zvakanaka.—Jakobho 1:5.
Kubatsirwa kuwana zvokurarama nazvo zuva nezuva.—Mateu 6:11.
Kuregererwa zvivi.—Mateu 6:12.