Bhaibheri Rinobvumidza Kurambana Here?
Mhinduro yeBhaibheri
Hongu rinobvumidza. Asi Jesu akangotaura chikonzero chimwe chete chinobvumira munhu kuti agure muchato, paakati: “Munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve [bonde nomumwe munhu waasina kuroorana naye], akaroora mumwe, iye anoita upombwe.”—Mateu 19:9.
Mwari anovenga vanhu vanoita unyengeri kuti varambane. Achatonga vaya vanoita nounyengeri vachisiya vavakaroorana navo, kunyanya kana vachizviita nechinangwa chokuti varoore kana kuroorwa nomumwe.—Maraki 2:13-16; Mako 10:9.