Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here Kuva Nemhuri Inofara?
Mhinduro yeBhaibheri
Hongu. Ona mamwe mazano ouchenjeri ari muBhaibheri ari kubatsira varume nevakadzi vakawanda kuti vafare mumba:
Nyoresai muchato wenyu. Kurarama maererano nemhiko dzinoitwa panonyoreswa muchato ndiko kunoita kuti murume nemudzimai vafare mumba.—Mateu 19:4-6.
Dananai uye remekedzanai. Izvi zvinosanganisira kubata mumwe wako semabatirwo awaizoda kuitwa.—Mateu 7:12; VaEfeso 5:25, 33.
Usataura mashoko anorwadza. Taura zvine mutsa, kunyange kana mumwe wako ataura kana kuita chimwe chinhu chakurwadza. (VaEfeso 4:31, 32) Bhaibheri pana Zvirevo 15:1 rinoti: “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.”
Iva akavimbika kune mumwe wako. Usava noruchiva. (Mateu 5:28) Bhaibheri rinoti: “Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa.”—VaHebheru 13:4.
Dzidzisai vana venyu nerudo. Musavatunhidza uye musavaomesera.—Zvirevo 29:15; VaKorose 3:21.