Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Zvii Zvandinofanira Kuzoita Kana Ndabhabhatidzwa?—Chikamu 1: Ramba Uchiita Zvakanaka

Zvii Zvandinofanira Kuzoita Kana Ndabhabhatidzwa?—Chikamu 1: Ramba Uchiita Zvakanaka

 Zvinhu zvinokosha zvakadai seimba kana mota zvinoda kugara zvichionekwa kuti zvichakanaka here. Ndizvo zvaunofanira kuitawo neushamwari hwako naMwari. Zvii zvaungaita kuti ushamwari hwako naMwari hurambe hwakasimba pashure pekunge wabhabhatidzwa?

Zviri munyaya ino

 Ramba uchidzidza Shoko raMwari

 Rugwaro runokosha: “[Rambai] muchibereka zvibereko mumabasa ese akanaka uye muchiwedzera paruzivo rwakarurama pamusoro paMwari.”—VaKorose 1:10.

 Zvazvinoreva: Pashure pekunge wabhabhatidzwa, unofanira kuramba uchiverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvaunenge waverenga.—Pisarema 25:4; 119:97.

 Zvinogona kuitika: Dzimwe nguva uchanzwa usingadi zvekudzidza. Unogona kutopedzisira wava kufunga kuti hausi munhu anofarira zvekudzidza.

 Zvaungaita: Dzidza zvakawanda nezvenyaya dzemuBhaibheri dzaunofarira. Iva nepurogiramu yako yekudzidza. Kana ukaronga purogiramu yakanaka, hauzorwadziwi nekudzidza. Chinangwa chako ndechekuti uwedzere kuda Jehovha uye Shoko rake. Kudzidza kwakadaro kunobatsira uye kunonakidza.—Pisarema 16:11.

 Zano: Kuti unyatsobatsirwa nekudzidza kwako, edza kutsvaga nzvimbo yakanyarara isina zvinozokuvhiringidza.

 Unoda rumwe rubatsiro here?

 Ramba uchinyengetera kuna Jehovha

 Rugwaro runokosha: “Musazvidya mwoyo nezvechinhu chero chipi zvacho, asi panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga.”—VaFiripi 4:6.

 Zvazvinoreva: Kutaura naMwari kunoreva kuti iye anotaura newe iwe uchitaurawo naye: Unomuteerera paya paunoverenga Shoko rake; Unotaura naye paya paunonyengetera. Paminyengetero yako unogona kukumbira kuti akubatsire uye kutenda makomborero awakawana.

 Zvinogona kuitika: Dzimwe nguva unganzwa sekuti paunonyengetera, uri kungodzokorora zvinhu zvimwe chete. Unogona kutanga kufunga kuti pamwe Mwari haateereri paunonyengetera kana kuti haadi kuti unyengetere kwaari.—Pisarema 10:1.

 Zvaungaita: Zuva rese, funga nezvezvinhu zvaunganyengetera nezvazvo. Kana uri pekuti haukwanisi kuita munyengetero wakareba, ronga kuti uzonyengetera nezvenyaya yauri kuda kutaura paunowana mukana. Nyengeterera zvinhu zvinokosha kwauri uye zvinokoshawo kune vamwe.—VaFiripi 2:4.

 Zano: Kana ukanzwa sekuti paunonyengetera, uri kungodzokorora zvinhu zvimwe chete, nyengetera kuna Jehovha uchimuudza nezvazvo. Anoda kunzwa zvese zvinokunetsa kusanganisira zviya zvine chekuita neminyengetero yako.—1 Johani 5:14.

 Unoda rumwe rubatsiro here?

 Ramba uchiudza vamwe zvaunotenda

 Rugwaro runokosha: “Ramba uchizvichenjerera iwe pachako, nekudzidzisa kwako. . . . Ukadaro uchazviponesa iwe pachako, nevaya vanokuteerera.”—1 Timoti 4:16.

 Zvazvinoreva: Paunoudza vamwe zvaunotenda unenge uchitosimbisawo kutenda kwako. Saka unogona kuponesa upenyu hwevaya vanokuteerera uyewo upenyu hwako.

 Zvinogona kuitika: Dzimwe nguva unogona kunzwa usingadi kuudza vamwe zvaunotenda. Ungatonzwa uchitya kuita izvozvo, kunyanya paunenge uri kuchikoro.

 Zvaungaita: Tsidza kuti usambosiya manzwiro asina kunaka akadai sekutya achikutadzisa kuita zvaunofanira kuita. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kunyange kana [ndikazivisa mashoko akanaka] ndisingadi, ndine utariri hwandakapihwa.”—1 VaKorinde 9:16, 17.

 Zano: Kumbira vabereki vako mvumo yekuti utsvage mumwe munhu watinonamata naye ane muenzaniso wakanaka muushumiri kuti akubatsire.—Zvirevo 27:17.

 Unoda rumwe rubatsiro here?

 Ramba uchipinda misangano yechiKristu

 Rugwaro runokosha: “Ngativei nehanya nemumwe nemumwe, kuitira kuti tikurudzirane kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka, tisingaregi kuungana kwedu.”—VaHebheru 10:24, 25.

 Zvazvinoreva: Chikonzero chikuru chekuenda kumisangano ndechekunonamata Jehovha. Asi pane zvimwe zvinhu zviviri zvakanakira kupinda misangano. Chekutanga, unokurudzirwa nevamwe vaunonamata navo. Chechipiri, unovakurudzirawo paunopinda misangano uye paunopindurawo.—VaRoma 1:11, 12.

 Zvinogona kuitika: Dzimwe nguva pfungwa dzako dzinogona kutanga kufungawo zvimwe, zvoita kuti urasikirwe nezvimwe zvinhu zvinokosha zvinenge zvichidzidziswa. Kana kuti unogona kutotadza kupinda misangano yese. Unogona kuisa pfungwa dzako pazvimwe zvinhu zvakadai sebasa rekuchikoro zvekuti unotadza kuwana nguva yekupinda misangano.

 Zvaungaita: Usazorega hako kuita basa rekuchikoro, asi tsidza kuti ugare uchipinda misangano uye iva nechinangwa chekuti udzidze zvakawanda pairi. Pindurawo pamisangano yacho. Misangano painopera rumbidza mumwe munhu nemhinduro yaapa.

 Zano: Gadzirira usati waenda kumisangano. Dhaunirodha JW Library® app, uye enda pachikamu chakanzi “Misangano” kuti uone zvichadzidzwa pamusangano mumwe nemumwe.

 Unoda rumwe rubatsiro here?