Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingatsungirira Sei Marwadzo Ekufirwa?

Ndingatsungirira Sei Marwadzo Ekufirwa?

 Uchangobva kufirwa neshamwari kana kuti mumwe munhu wemumhuri here? Kana zvakadaro, nyaya ino inogona kukubatsira kutsungirira marwadzo acho.

Zviri munyaya ino

 Ndiri kunyanya kushungurudzika here?

 Vanhu vakawanda vanoshungurudzika zvakanyanya pavanofirwa uye zvinotora nguva yakareba kuti vatangezve kunzwa zviri nani.

 “Zuva haripfuuri ndisina kumbofunga sekuru vangu. Kunyange zvazvo papfuura makore maviri kubva pavakashaya, ndinochema pese pandinotaura nezvavo.”—Olivia.

 “Mbuya vangu vaigara vachindikurudzira kuti ndizadzise zvinangwa zvangu, asi vakafa vasina kuona ndichizadzisa kana chinangwa chimwe chete zvacho. Ndinorwadziwa pese pandinozadzisa chinangwa chandinenge ndiinacho nekuti havasisipo kuti vazvione.”—Alison.

 Unogona kuva nemanzwiro akasiyana-siyana paunenge uchishungurudzika nekufirwa. Semuenzaniso:

 “Pakafa murume watete vangu, ndakatadza kuzvigamuchira, uye zvakaramba zvakadaro kwenguva yakareba chaizvo. Ndiko kaiva kekutanga kufirwa nemunhu wepedyo. Zvinhu zvacho zvakaitika nekukurumidza uye ndakarwadziwa zvisingaiti.”—Nadine.

 “Sekuru vangu pavakafa, ndainzwa ndakavatsamwira mumwoyo mangu nekuti vakanga vasingachengetedzi utano hwavo kunyange zvazvo taivakurudzira kuti vadaro.”—Carlos.

 “Ini nasisi vangu tisu tega hama dzepedyo dzaisavapo pakafa sekuru. Pashure pacho, ndakazvipa mhosva nekuti ndainzwa sekuti handina kunyatsoonekana navo.”—Adriana.

 “Mumwe murume nemudzimai vakaroorana vataiva pedyo navo chaizvo vakafira mutsaona yemotokari. Pashure pekunge izvi zvaitika, pese paibuda munhu pamba ndaitya ndichifunga kuti anogona kungofawo.”—Jared.

 “Mbuya vangu pavakashaya makore matatu adarika, ndakazvidemba nekuti ndaisambowana nguva yekuva navo pavaiva vapenyu.”—Julianna.

 Munhu paanofirwa anowanzotadza kuzvigamuchira, anotsamwa, anozvipa mhosva, anotya, uye anozvidemba. Kana uchinzwa saizvozvo, ziva kuti pashure pekanguva uchatanga kunzwa zviri nani. Asi, zvii zvaungaita kuti utsungirire marwadzo auinawo?

 Zvaungaita kuti utsungirire manzwiro akasiyana-siyana aunonzwa paunofirwa?

 Taura neshamwari yako yepedyo. Bhaibheri rinoti shamwari yechokwadi “yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Kuudza mumwe munhu manzwiro ako kunogona kukubatsira kuti uwane rubatsiro rwauri kuda.

 “Hapana chakaipa nekuchema paunofirwa. Dzimwe nguva unogona kukunda uri wega, asi unogona kutanga kufunga kuti zvinhu hazvichafi zvakachinja. Ndokusaka zvakanaka kutaurawo nemumwe munhu.”—Yvette.

 Ramba uchiyeuka munhu wawaida akafa. Bhaibheri rinoti “munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo wake.” (Ruka 6:45, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Unogona kunyora zvinhu zvakanaka zvaunoyeuka nezvemunhu wacho kana kugadzira arubhamu yemapikicha ake.

 “Ndakasarudza kunyora pasi zvinhu zvese zvandakadzidziswa neshamwari yangu asati afa, uye izvozvo zvakaita kuti ndirambe ndichidzidza kubva kwaari. Kuzvinyora pasi kwakandibatsira kuti nditsungirire kurwadziwa kwandaiita.”—Jeffrey.

 Chengetedza utano hwako. Bhabheri rinotaura kuti kuita maekisesaizi kunobatsira. (1 Timoti 4:8) Iva nechokwadi chekuti uri kudya zvine utano, uri kuita maekisesaizi, uye uri kuwana nguva yakakwana yekurara.

 “Paunenge uri kuchema munhu afa, unogona kutadza kunyatsofunga zvakanaka, saka unofanira kuva nechokwadi chekuti uri kuramba uine utano hwakanaka. Usarega kudya uye kurara zvakakwana.”—Maria.

 Batsira vamwe. Bhaibheri rinoti: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

 “Edza kubatsira vamwe, kunyanya vaya vakafirwawo. Izvozvo zvinogona kukuyeuchidza kuti vamwe vari kurwadziwawo.”—Carlos.

 Taura manzwiro ako paunonyengetera. Bhaibheri rinoti Jehovha Mwari “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Rinotiwo Jehovha “anoporesa vakaora mwoyo; anosunga maronda avo.”—Pisarema 147:3.

 “Kumbira Jehovha kuti akutsigire uye akusimbise. Mamwe mazuva achange akaoma kupfuura mamwe, asi Jehovha anoramba aripo kuti atibatsire.”—Jeanette.

 Usabva watarisira kuti zvinhu zvichabva zvatonaka. Yeuka kuti vanhu vanoratidza marwadzo nenzira dzakasiyana-siyana. Bhaibheri rinoti Jakobho “akaramba kunyaradzwa” paaifunga kuti mwanakomana wake akanga afa. (Genesisi 37:35) Saka usanetseka kana ukaramba uchingorwadziwa.

 “Zvinhu zvakasiyana-siyana zvinogona kundiyeuchidza mbuya vangu, kunyange zvazvo patopfuura makore 15 vashaya.”—Taylor.

 Chimbofungidzira watyoka bhonzo. Unorwadziwa zvisingaiti, uye zvinogona kutora nguva kuti upore. Chiremba anokuudza zvaunofanira kuita kuti upore.

 Ndizvo zvakangofananawo nekupora pamarwadzo ekufirwa nemunhu waunoda. Zvinotora nguva kuti marwadzo aderere. Saka iva nemwoyo murefu. Funga nezvemazano ari munyaya ino woona kuti ndeapi anganyatsokubatsira.