VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI
Zvii Zvandinofanira Kuzoita Kana Ndabhabhatidzwa?—Chikamu 2: Ramba Wakaperera
Bhaibheri rinotaura kuti “Jehovha haazonyimi chero chinhu chipi zvacho chakanaka vaya vanofamba vakaperera kwaari.” (Pisarema 84:11) Mashoko ekuti ‘kufamba wakaperera’ anorevei? Zvinoreva kurarama nenzira inoratidza kuti unoita zvawakavimbisa Jehovha pawakazvitsaurira kwaari. (Muparidzi 5:4, 5) Ungaramba sei uchifamba wakaperera pashure pekunge wabhabhatidzwa?
Zviri munyaya ino
Ramba uchitsungirira matambudziko
Rugwaro runokosha: “Tinofanira kupinda muUmambo hwaMwari nemumatambudziko akawanda.”—Mabasa 14:22.
Zvazvinoreva: Chokwadi ndechekuti vaKristu vese vachatosangana nematambudziko muupenyu hwavo. Mamwe matambudziko auchasangana nawo akadai sekusekwa uye kupikiswa, anobva pakuti uri muKristu. Mamwewo akadai sekushayiwa mari kana kurwara anongobatawo vanhu vese.
Zvinogona kuitika: Dzimwe nguva zvinhu zvichachinja muupenyu hwako, uye pamwe pacho, nenzira yaunenge usingafariri. Bhaibheri rinotaura kuti zvinhu zvakaipa zvinogona kuitika kune chero munhu, angava muKristu kana asiri.—Muparidzi 9:11.
Zvaungaita: Sezvo uchiziva kuti uchasangana nematambudziko, unogona kugara wagadzirira. Ona matambudziko semukana wekusimbisa kutenda kwako uye kuwedzera kuvimba kwaunoita naJehovha. (Jakobho 1:2, 3) Nekufamba kwenguva, uchanyatsokwanisa kutaura kubva pane zvaunenge wazvionera wega sezvakaitwa nemuapostora Pauro, uyo akati: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.
NYAYA YAKANYATSOITIKA. “Ndichangobva kubhabhatidzwa, hanzvadzi dzangu dzakabva dzasiya chokwadi, vabereki vangu vakarwara uye inini ndakarwarawo. Zvaigona kuva nyore kuti ndibve ndangopera simba, ndokanganwa kuti pandakazvitsaurira kuna Mwari ndakavimbisa kuti ndichaita kuti kunamata kuve chinhu chinokosha muupenyu hwangu. Asi kuzvitsaurira kwandakaita ndiko kwakandibatsira kuti ndikunde matambudziko iwayo.”—Karen.
Zano: Dzidza nezvaJosefa. Unogona kuverenga nezveupenyu hwake muna Genesisi chitsauko 37 uye zvitsauko 39 kusvika ku41. Funga nezveizvi: Matambudziko api aakangoerekana asangana nawo, uye akaatsungirira sei? Jehovha akabatsira sei Josefa?
Unoda rumwe rubatsiro here?
Verenga nyaya idzi:
Dhaunirodha pepa rezvekuita izvi:
Ramba uchikunda miedzo
Rugwaro runokosha: “Mumwe nemumwe anoedzwa paanotorwa mwoyo, oputirwa neruchiva rwake.”—Jakobho 1:14.
Zvazvinoreva: Dzimwe nguva, tese zvedu tinoedzwa nezvido zvenyama zvekuti kana tikasazvidzora tinogona kuita zvakaipa.
Zvinogona kuitika: Pashure pekubhabhatidzwa, ucharamba uine “zvido zvenyama.” (2 Petro 2:18) Unogona kutova pamuedzo wekuita zvebonde usati waroora kana kuroorwa.
Zvaungaita: Gara wasarudza iye zvino, usati wasangana nemuedzo, kuti hausi kuzorega zvido zvako zvichiita kuti usarudze kuita zvakaipa. Yeuka zvakataurwa naJesu paakati: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri.” (Mateu 6:24) Unogona kusarudza kuti ndiani achava tenzi wako. Ita kuti ave Jehovha. Pasinei nekuti zvido zvako zvingava zvakasimba zvakadini, unogona kusarudza kuti usaite zvinoenderana nazvo.—VaGaratiya 5:16.
Zano: Dzidza kuti ndepapi pawakasimba uye ndepapi pausina. Sarudza shamwari dzinoita kuti ubudise unhu hwako hwakanaka. Siyana nevanhu, nzvimbo, kana mamiriro ezvinhu angaita kuti zvizokuomera kuita zvakarurama.—Pisarema 26:4, 5.
Unoda rumwe rubatsiro here?
Ramba uchiwedzera kushingaira
Rugwaro runokosha: ’Shandai nesimba zvakadaro kusvikira kumagumo, kuti musava neusimbe.’—VaHebheru 6:11, 12.
Zvazvinoreva: Munhu asingaisi pfungwa dzake pabasa rake anogona kurembedza maoko, opedzisira ava neusimbe.
Zvinogona kuitika: Zvimwe waifara uye waishingaira chaizvo pawakabhabhatidzwa. Wainyatsoda Jehovha zvepachokwadi. Asi papera kanguva, zvinogona kukuomera kuti urambe uchiteerera Jehovha pazvinhu zvese, uye izvozvo zvinogona kukuodza mwoyo zvoita kuti usanyatsoshingaira sezvawaiita.—VaGaratiya 5:7.
Zvaungaita: Ramba uchiita zvakanaka kunyange ukambonzwa usingadi kuzviita. (1 VaKorinde 9:27) Parizvino, swedera pedyo naBaba vako vekudenga nekuwedzera kuvaziva uye kutaura navo paunonyengetera. Uye ramba uchiumba ushamwari nevaya vanoda kushumira Jehovha.
Zano: Yeuka kuti Jehovha anokuda chaizvo uye akagadzirira kukubatsira. Usambofunga kuti haasi kufara newe kana zvikaitika kuti wambotadza kushingaira. Bhaibheri rinoti: “Anopa munhu akaneta simba uye simba rizere kune vaya vasina simba.” (Isaya 40:29) Achakomborera zvaunoedza kuita kuti utangezve kushingaira.
Unoda rumwe rubatsiro here?
Verenga nyaya idzi:
Ona vhidhiyo iyi:
Chinokosha chaunofanira kuziva: Kana ukafamba wakaperera, uchaita kuti mwoyo waJehovha ufare! (Zvirevo 27:11) Achafara kuti unosarudza kuva kudivi rake, uye achakupa zvese zvaunoda kuti ukunde miedzo yaSatani.