Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Sei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbofarawo?

Sei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbofarawo?

 Wakokwa neshamwari dzako kupati kupera kwevhiki. Unokumbira vabereki vako kuti uende asi vanokuudza kuti, “Hapana kwauri kuenda.” Haushamisiki nazvo nekuti pawakambovakumbira vakakurambidza kuenda.

Zviri munyaya ino

 Sei vabereki vangu vachigara vachingondirambidza zvimwe zvinhu?

 Kana zvichiita sekuti vabereki vako vanokurambira pese paunovakumbira kuita zvimwe zvinhu, unogona kutanga kufunga kuti pamwe havadi kuti umbofarawo.

 Izvi ndizvo zvaifungwa nemumwe musikana ari kuyaruka anonzi Marie paakatanga kuva nefoni. Anoti: “Baba vangu vakandipa mitemo yakawanda panyaya yekuti maapplication api andaigona kudhaunirodha, ndivanaani vandaigona kutaura navo uye kuti nguvai. Asi shamwari dzangu dzaiita chero zvadzaida nemafoni adzo!”

 Zvekufunga nezvazvo: Tingati baba vaMarie vaida kumutadzisa kufara here? Pane chimwe chinhu chavaityira here?

Mitemo yemumugwagwa inogona kukutadzisa kuita zvimwe zvinhu asi inokudzivirira; ndizvo zvakaitawo mitemo yevabereki

 Edza izvi: Chimbofungidzira iwewe uri mubereki ane mwana achiri kuyaruka achangobva kuva nefoni. Zvii zvawaizotyira? Mitemo ipi yawaizomupa kuti umudzivirire? Waizoti kudii kana mwana wako akati haudi kuti afare?

 “Baba vangu vaigara vachiti, ‘Dai uri iwe mubereki waizoita sei?’ Kufunga izvozvo kwakaita kuti ndione kubatsira kwemitemo yavaindipa uyewo kuti nei vaindipa mitemo yacho. Kudai ndaiva nevana, ndinofunga kuti ndaizodawo kuti vaite zvandiri kunzi nababa vangu ndiite.”—Tanya.

 Ndingaita sei kuti vandibvumidze kuita zvandinenge ndavakumbira?

 Usaita izvi: Kufundumwara, kunyunyuta kana kuita nharo.

 “Kupopota hakuna zvakunobatsira uye kunokupedzai simba mese, iwe nevabereki vako. Kana ukaita nharo, vabereki vako vachakuona semunhu asati akura mupfungwa uye havazowedzeri kukupa rusununguko rwekuita zvimwe zvinhu.”—Richard.

 Asi edza izvi: Usakurumidza kupindura kana kuita chimwe chinhu. Asi edza kuona zvinhu semaonerwo azviri kuitwa nevabereki vako. Zvibvunze kuti, ‘Vari kuramba nekuti havavimbi neni here kana kuti havavimbi nevanhu vandichange ndiinavo kana kuti havasi kufara nekwandinenge ndiri?’ Unogona kukurukura navo wakadzikama kuti uedze kunzwisisa mafungiro avo.

 “Kazhinji vabereki vangu pavanondipa mutemo, vanenge vaine zvikonzero zvakanaka. Vabereki vangu vanenge vasiri kunditadzisa kufara asi vanenge vachitoda kuti ndisapinda mumatambudziko uye ndive nemufaro wechokwadi.”—Ivy.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzese, asi munhu akachenjera anoramba akadzikama achidzidzora.”—Zvirevo 29:11.

 Usaita izvi: Kutsvaga nzira dzekuti uite zvawakarambidzwa nevabereki vako ivo vasingazvizivi.

 “Ndakaedza kuita zvinhu zvandakanga ndarambidzwa nababa vangu panyaya yemashandisiro andaifanira kuita foni. Ndaitsvaga nzira dzekutumira shamwari dzangu mameseji usiku uye kudhaunirodha maapplication andakanga ndarambidzwa. Baba vangu pavaiona kuti handisi kuteerera, vaibva vatowedzera kundiisira mitemo yakaoma nekuti vakanga vasisavimbi neni. Kuita zvaunenge warambidzwa hakuna kunaka.”—Marie.

 Asi edza izvi: Ratidza vabereki vako kuti unoteerera mitemo yavo. Izvozvo zvichaita kuti vakwanise kuvimba newe.

 “Iva nemwoyo murefu. Zvinogona kutora nguva kuti vabereki vako vachinje mutemo wavakakupa, asi kana vakaona kuti uri kuteerera mitemo yavari kukupa, vanogona kukupa rusununguko rwekuita zvimwe zvinhu.”—Melinda.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Teererai vabereki venyu nguva dzese.”—VaKorose 3:20.

 Usaita izvi: Kuedza kumanikidza vabereki vako kuti vakubvumidze kuita zvinhu, zvichida nekuvaudza kuti vamwe vana vezera rako vanobvumidzwa kuita zvinhu izvozvo.

 “Kuramba uchimanikidzira kuita zvauri kuda hakuiti kuti zvinhu zvikurerukire kana kuti uzobvumidzwa kuita zvaunenge uchida.”—Natalie.

 Asi edza izvi: Shandisa zviri papepa rakanzi, “Kufunga Nezvemitemo” kuti ukwanise kukurukura nyaya yacho nevabereki vako.

 “Mubereki anoda kuona kuti uri munhu anokwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka. Saka pandinenge ndichitaura nevabereki vangu, ndinoedza kutaura ndichipa zvikonzero zvine musoro kuti nei ndiri kuda chimwe chinhu pane kungotaura zvichibva pamanzwiro angu. Pandinoita izvozvo, kazhinji vabereki vangu vanondibvumidza kuita zvinhu zvandinenge ndakumbira.”—Joseph.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kudza baba vako naamai vako.”—VaEfeso 6:2.