VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI
Kuva Neshamwari Dzakawanda paSocial Media Kune Basa Here?
Mumwe musikana anonzi Elaine akati: “Pandakanzwa shamwari dzangu dzekuchikoro dzichiti dzine shamwari dzakawanda pasocial media, ndakangoti nechemumwoyo, ‘Vamwe zvavo!’ Kutaura chokwadi ndakatonzwa kagodo.”
Wakambonzwawo here saizvozvo? Kana wakambonzwa saizvozvo, nyaya ino ichakubatsira kuti ungaita sei kuti usanetseke nekuda kuva neshamwari dzakawanda pasocial media.
Zvazvakaipira
Zvirevo 22:1 inoti, “zita rakanaka rinofanira kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji.” Saka hapana chakaipa nekuda kuva nemukurumbira wakanaka kana kutoita zvinhu zvinoita kuti vamwe vanhu vakufarire.
Asi kakawanda kacho, kana ukada kufarirwa nevanhu vakawanda unogona kuora mwoyo kana vanhu vashoma vakakufarira. Onya, ane makore 16 anoti:
“Ndakaona vamwe vanhu vachiita zvimwe zvinhu zvisingaiti, vachida kungoti vanhu vavafarire zvakadai sekujamba kubva pamusorosoro.”
Vamwe vanozvitora mavhidhiyo vachiita zvinhu zvinogona kuisa upenyu hwavo panjodzi vachingoitira kuda kuonekwa nevamwe. Semuenzaniso, vamwe vechidiki vakazvitora mavhidhiyo vachidya mishonga yekuwachisa, inokuvadza.
Bhaibheri rinoti: ‘Musaita chinhu nomwoyo wokuzvikudza.’—VaFiripi 2:3, Bhaibheri Dzvene muChishona Chanhasi.
Zvekufunga nezvazvo:
Iwe pachako unofunga kuti kuva neshamwari dzakawanda pasocial media kunokosha here?
Ungaisa upenyu hwako kana kuti utano hwako panjodzi here uchingoitira kuti ufadze shamwari dzako?
Kunyepedzera kuva munhu anofarirwa nevakawanda
Havasi vese vanoisa upenyu hwavo panjodzi vachingoda kuti vafarirwe nevanhu. Erica, ane makore 22, anotaura zvimwe zvinoitwawo nevamwe vachida kutsvaga kufarirwa nevanhu:
“Vanhu vanotumira mapikicha akawanda vaine vanhu vakasiyana-siyana, kuti zviratidze sekuti vane shamwari dzakawanda uye vanozivikanwa nevanhu vakawanda.”
Cara, ane makore 15 anoti:
“Vamwe vanhu vanotonyepa kuti zviite sekunge kuti vanofarirwa nevanhu vakawanda. Ndakaona vamwe vanhu vachizvitora mapikicha vachiita sekuti vanga vari papati nepo ivo vanga vari pamba.”
Matthew ane makore 22, anotaura kuti akamboitawo zvakada kudaro:
“Ndakazvitora pikicha ndichibva ndanyora kuti gomo reMount Everest, kuita sekunge kuti ndokwandaiva nepo ndisina kumbobvira ndatsika kuAsia!”
Bhaibheri rinoti: ‘Tinoda kuva vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.’—VaHebheru 13:18.
Zvekufunga nezvazvo:
Une zvaunoisa here pasocial media zvisiri zvechokwadi, uchingozviitira kuti vanhu vakufarire?
Mapikicha aunoisa uye mashoko aunonyora anoratidza zvauri chaizvo here uye zvaunotenda?
Kuva neshamwari dzakawanda kune zvakunobatsira here?
Vanhu vakawanda vanofunga kuti, kana uchida kuva nemukurumbira pasocial media unofanira kuva neshamwari dzakawanda. Matthew ambotaurwa anoti izvi ndizvo zvaaifungawo:
“Ndaiwanzobvunza vanhu kuti, ‘Une shamwari ngani pasocial media?’ kana kuti ‘Malikes awakawana akawanda acho aiva mangani?’ Kuti ndive neshamwari dzakawanda, ndaitanga kufarirawo vamwe vanhu kunyange vandanga ndisingatombozivi. Izvi ndaizviitira kuti vagopedzisira vavawo shamwari dzangu. Chido chekuva neshamwari dzakawanda chakanga chatonyanyisa zvekuti social media yakabva yatowedzera chido ichocho.”
Maria, ane makore 25 anoti, vamwe vanhu vanoona sekunge kuti kukosha kwavo kunobva pakuti vane shamwari dzakawanda zvakadii pasocial media:
“Kana musikana akazvitora pikicha obva aiisa pasocial media asi yoshaya munhu anoifarira, anogona kutanga kufunga kuti saka akashata. Vakawanda ndizvo zvavanofunga kana mapikicha avanoisa pasocial media akasafarirwa. Asi mafungiro iwayo haasi echokwadi.
Bhaibheri rinoti: “Ngatiregei kuzvikudza, tichimutsa makwikwi pakati pedu, tichiitirana shanje.”—VaGaratiya 5:26.
Zvekufunga nezvazvo:
Kana uchishandisa social media, unofunga kuti inoita kuti uzvienzanise here nevamwe?
Chaunonyanya kukoshesa chii? Kuva neshamwari dzakawanda dzinofarira zvaunoisa pasocial media here kana kuti kuva neshamwari dzine hanya newe?